Ndianiko wakatenda ɀatakaparidzirwa? Ruʋoko rwaJehova rwakaratidzwa kunani? Nokuti wakamera pamberi pake seɓukira nyoro, somudzi unoɓuɗa pavu rakawoma; haanecimiro kana ʋumambo; kana ticimuʋona, hakunokunaka kuti timuɗe. Wakaɀidzwa, nokurashwa naʋanhu, munhu wokurwadziwa, wakaziʋa ʋurwere, somunhu unoʋanzirwa naʋanhu ɀiso ɀaʋo; wakaɀidzwa, nesu hatina‐kumukudza.
Ɀirokwaɀo, wakatakura matenda eɗu, nokusimudza kurwadziwa kweɗu; asi isu takati wakatambudzwa, wakarobga naMŋari nokumanikidzwa. Asi wakakuʋadzwa nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, wakarwadziwa nokuɗa kweɀakaipa ɀeɗu; kurobga kwakatiʋigira rugare kwakaŋga kuri pamsoro pake, takaporeswa namaʋaŋga ake. Isu tose takaŋga takarashika samakwai, takatsauka mumŋe nomumŋe nenzira yake; asi Jehova wakaisa pamsoro pake kuipa kweɗu tose.
Wakamanikidzwa, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaɀininipisa, akasashamisa muromo wake; segwaiana rinoiswa kundoɓayiwa, ʋuye segwai risiŋgacemi pamberi paʋaʋeʋuri ʋaro, saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake. Wakabviswa pakumanikidzwa nokutoŋgwa; kana ʋari ʋezero rake, ndianiko pakati paʋo wakaraŋgarira kuti wakagurwa akabviswa panyika yaʋapenyu? Wakarobga nokuɗa kwokuɗarika kwaʋanhu ʋaŋgu. Ʋakamupa bgiro bgake pamŋe cete naʋakaipa, akaʋa nomufumi pakufa kwake, kunyaŋge asina‐kuita cisakarurama, kunyeŋgera kusina‐kuwanikwa mumuromo make.
Asi kwaiʋa kuɗa kwaJehova kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mŋeya wake waʋuya necipiriso ceɀiʋi, ucaʋona ɀiɓereko ɀake, ucawedzera mazuʋa ake, ɀinoɗikanwa naJehova ɀicafambiswa ɀakanaka noruʋoko rwake. Ucaʋona ɀaakatamburira nomŋeya wake, akagutiswa; nokuziʋa kwake muranda waŋgu wakarurama ucaruramisira ʋazhinji; ucatakura ɀakaipa ɀaʋo. Saka ndicamuganhurira mugoʋe pamŋe cete naʋakuru, ucagoʋerana ɀakapambga naʋanesimba; nokuti wakaɗurura mŋeya wake pakufa, akaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki; kunyaŋge ɀakaɗaro wakatakura ɀiʋi ɀaʋazhinji, akanyeŋgeterera ʋaɗariki.