Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 53:1-12

Isaya 53:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

“Ndiani angatende rondedzero yezvatakaudzwa? Uye ndiani akaratidzwa simba roruoko rwaTenzi? Pamusana pokuti akakura pana Mwari sebukira romuti uye somudzi unotungira pavhu rakaoma. Akanga asisina chimiro, chokuti munhu kana kwavo nechingayemurike paari, zvokuti tingambotarisawo zvedu kwaari, asisina kana runako rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda. Akashorwa akarambidzanwa navanhu iye munhu wokutambura munhu anoziva nhamo uye somunhu wokuti vanhu vakamutarisa vanotofuratira zvavo. Akazvidzwa tikatadza kumuyemura. “Asi chaizvoizvo, nhamo dzaakatakura, dzaiva nhamo dzedu uyewo matambudziko aakatakurana nawo aiva matambudziko edu. Asi isu takatomuona somunhu ari kuzvamburwa nokurohwa naMwari achitambudzwa. “Akabayirwa zvitadzo zvedu akakuvadzirwa uipi hwedu, kurangwa kwaakaitwa ndokwakatiponesa, shamhu dzaakarohwa dzakaporesa isu. Tose zvedu takanga taita sehwai dzakarasika mumwe nomumwe wedu atetereka nenzira yake, Tenzi akaisa zvitadzo zvedu zvose paari. Akaoneswa nhamo akabatiswa ndondo, asi haana kana kumboti muromo bufu; sehwayana akatungamidzwa kundourayiwa sokunyarara kwehwai inenge ichivewurwa makushe saizvozvowo haana zvake kumboti muromo bufu. Vakaita zvokumumanikidza vakamupinza dare ndokumutora voenda naye. Ivo vechizvarwa chokwake pane akamboita hanya nazvo here zvokuti akadimurirwa upenyu munyika yevapenyu achiponderwa zvitadzo zvavanhu vangu? Vakamuitira guva rake mukati mavaipi, uyewo nomupfumi parufu rwake; kunyange zvazvo akanga asina utsinye hwaakanga aita, uye kunyange zvazvo unyengedzi pamuromo pake pakanga pasina.” Asi kuti chaive chiri chido chaTenzi, kumurwadzisa ndiye akamupa nhamo. Nokuzvipira kwaakaita kudaro somupiro wokupfupira zvitadzo achaona zvizukuru zvake, achaita kuti mazuva ake awande. Zvinodiwa naTenzi zvichabudirira zviri mumaoko make. Achaona mubayiro wezvaakatamburira iye pachake agogutsikana. Noruzivo rwake iye muranda wangu, mururami achaita kuti vazhinji vazonzi varurami, ndiye achatakura zvitadzo zvavo. Naizvozvo ini ndichamupa mugove mukati mavakuru vakuru, achakamurirana navane simba zvinhu zvinenge zvapambwa nokuti akazvipira kufa akaverengerwa pamwechete navatadzi akatakura zvitadzo zvavazhinji achinamatira vatadzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 53

Isaya 53:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko? Akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake. Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza. Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa. Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa. Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa. Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make. Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake. Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo. Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 53

Isaya 53:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani? Nokuti akamera pamberi pake sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude. Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza. Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa. Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake. Isu tose takanga takarasika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa, kunyange zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. Akabviswa pakumanikidzwa nokutongwa; kana vari vezero rake, ndianiko pakati pavo akarangarira kuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Akarohwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu. Vakamupa bwiro hwake pamwechete navakaipa, akava nomupfumi pakufa kwake, kunyange asina kuita chisakarurama, kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make. Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake. Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo. Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwechete navadariki; kunyange zvakadaro akatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 53

Isaya 53:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Ndiani angatende rondedzero yezvatakaudzwa? Uye ndiani akaratidzwa simba roruoko rwaTenzi? Pamusana pokuti akakura pana Mwari sebukira romuti uye somudzi unotungira pavhu rakaoma. Akanga asisina chimiro, chokuti munhu kana kwavo nechingayemurike paari, zvokuti tingambotarisawo zvedu kwaari, asisina kana runako rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda. Akashorwa akarambidzanwa navanhu iye munhu wokutambura munhu anoziva nhamo uye somunhu wokuti vanhu vakamutarisa vanotofuratira zvavo. Akazvidzwa tikatadza kumuyemura. “Asi chaizvoizvo, nhamo dzaakatakura, dzaiva nhamo dzedu uyewo matambudziko aakatakurana nawo aiva matambudziko edu. Asi isu takatomuona somunhu ari kuzvamburwa nokurohwa naMwari achitambudzwa. “Akabayirwa zvitadzo zvedu akakuvadzirwa uipi hwedu, kurangwa kwaakaitwa ndokwakatiponesa, shamhu dzaakarohwa dzakaporesa isu. Tose zvedu takanga taita sehwai dzakarasika mumwe nomumwe wedu atetereka nenzira yake, Tenzi akaisa zvitadzo zvedu zvose paari. Akaoneswa nhamo akabatiswa ndondo, asi haana kana kumboti muromo bufu; sehwayana akatungamidzwa kundourayiwa sokunyarara kwehwai inenge ichivewurwa makushe saizvozvowo haana zvake kumboti muromo bufu. Vakaita zvokumumanikidza vakamupinza dare ndokumutora voenda naye. Ivo vechizvarwa chokwake pane akamboita hanya nazvo here zvokuti akadimurirwa upenyu munyika yevapenyu achiponderwa zvitadzo zvavanhu vangu? Vakamuitira guva rake mukati mavaipi, uyewo nomupfumi parufu rwake; kunyange zvazvo akanga asina utsinye hwaakanga aita, uye kunyange zvazvo unyengedzi pamuromo pake pakanga pasina.” Asi kuti chaive chiri chido chaTenzi, kumurwadzisa ndiye akamupa nhamo. Nokuzvipira kwaakaita kudaro somupiro wokupfupira zvitadzo achaona zvizukuru zvake, achaita kuti mazuva ake awande. Zvinodiwa naTenzi zvichabudirira zviri mumaoko make. Achaona mubayiro wezvaakatamburira iye pachake agogutsikana. Noruzivo rwake iye muranda wangu, mururami achaita kuti vazhinji vazonzi varurami, ndiye achatakura zvitadzo zvavo. Naizvozvo ini ndichamupa mugove mukati mavakuru vakuru, achakamurirana navane simba zvinhu zvinenge zvapambwa nokuti akazvipira kufa akaverengerwa pamwechete navatadzi akatakura zvitadzo zvavazhinji achinamatira vatadzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 53

Isaya 53:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndianiko wakatenda ɀatakaparidzirwa? Ruʋoko rwaJehova rwakaratidzwa kunani? Nokuti wakamera pamberi pake seɓukira nyoro, somudzi unoɓuɗa pavu rakawoma; haanecimiro kana ʋumambo; kana ticimuʋona, hakunokunaka kuti timuɗe. Wakaɀidzwa, nokurashwa naʋanhu, munhu wokurwadziwa, wakaziʋa ʋurwere, somunhu unoʋanzirwa naʋanhu ɀiso ɀaʋo; wakaɀidzwa, nesu hatina‐kumukudza. Ɀirokwaɀo, wakatakura matenda eɗu, nokusimudza kurwadziwa kweɗu; asi isu takati wakatambudzwa, wakarobga naMŋari nokumanikidzwa. Asi wakakuʋadzwa nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, wakarwadziwa nokuɗa kweɀakaipa ɀeɗu; kurobga kwakatiʋigira rugare kwakaŋga kuri pamsoro pake, takaporeswa namaʋaŋga ake. Isu tose takaŋga takarashika samakwai, takatsauka mumŋe nomumŋe nenzira yake; asi Jehova wakaisa pamsoro pake kuipa kweɗu tose. Wakamanikidzwa, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaɀininipisa, akasashamisa muromo wake; segwaiana rinoiswa kundoɓayiwa, ʋuye segwai risiŋgacemi pamberi paʋaʋeʋuri ʋaro, saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake. Wakabviswa pakumanikidzwa nokutoŋgwa; kana ʋari ʋezero rake, ndianiko pakati paʋo wakaraŋgarira kuti wakagurwa akabviswa panyika yaʋapenyu? Wakarobga nokuɗa kwokuɗarika kwaʋanhu ʋaŋgu. Ʋakamupa bgiro bgake pamŋe cete naʋakaipa, akaʋa nomufumi pakufa kwake, kunyaŋge asina‐kuita cisakarurama, kunyeŋgera kusina‐kuwanikwa mumuromo make. Asi kwaiʋa kuɗa kwaJehova kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mŋeya wake waʋuya necipiriso ceɀiʋi, ucaʋona ɀiɓereko ɀake, ucawedzera mazuʋa ake, ɀinoɗikanwa naJehova ɀicafambiswa ɀakanaka noruʋoko rwake. Ucaʋona ɀaakatamburira nomŋeya wake, akagutiswa; nokuziʋa kwake muranda waŋgu wakarurama ucaruramisira ʋazhinji; ucatakura ɀakaipa ɀaʋo. Saka ndicamuganhurira mugoʋe pamŋe cete naʋakuru, ucagoʋerana ɀakapambga naʋanesimba; nokuti wakaɗurura mŋeya wake pakufa, akaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki; kunyaŋge ɀakaɗaro wakatakura ɀiʋi ɀaʋazhinji, akanyeŋgeterera ʋaɗariki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 53