Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 53:1-12

Isaya 53:1-12 SCLB

“Ndiani angatende rondedzero yezvatakaudzwa? Uye ndiani akaratidzwa simba roruoko rwaTenzi? Pamusana pokuti akakura pana Mwari sebukira romuti uye somudzi unotungira pavhu rakaoma. Akanga asisina chimiro, chokuti munhu kana kwavo nechingayemurike paari, zvokuti tingambotarisawo zvedu kwaari, asisina kana runako rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda. Akashorwa akarambidzanwa navanhu iye munhu wokutambura munhu anoziva nhamo uye somunhu wokuti vanhu vakamutarisa vanotofuratira zvavo. Akazvidzwa tikatadza kumuyemura. “Asi chaizvoizvo, nhamo dzaakatakura, dzaiva nhamo dzedu uyewo matambudziko aakatakurana nawo aiva matambudziko edu. Asi isu takatomuona somunhu ari kuzvamburwa nokurohwa naMwari achitambudzwa. “Akabayirwa zvitadzo zvedu akakuvadzirwa uipi hwedu, kurangwa kwaakaitwa ndokwakatiponesa, shamhu dzaakarohwa dzakaporesa isu. Tose zvedu takanga taita sehwai dzakarasika mumwe nomumwe wedu atetereka nenzira yake, Tenzi akaisa zvitadzo zvedu zvose paari. Akaoneswa nhamo akabatiswa ndondo, asi haana kana kumboti muromo bufu; sehwayana akatungamidzwa kundourayiwa sokunyarara kwehwai inenge ichivewurwa makushe saizvozvowo haana zvake kumboti muromo bufu. Vakaita zvokumumanikidza vakamupinza dare ndokumutora voenda naye. Ivo vechizvarwa chokwake pane akamboita hanya nazvo here zvokuti akadimurirwa upenyu munyika yevapenyu achiponderwa zvitadzo zvavanhu vangu? Vakamuitira guva rake mukati mavaipi, uyewo nomupfumi parufu rwake; kunyange zvazvo akanga asina utsinye hwaakanga aita, uye kunyange zvazvo unyengedzi pamuromo pake pakanga pasina.” Asi kuti chaive chiri chido chaTenzi, kumurwadzisa ndiye akamupa nhamo. Nokuzvipira kwaakaita kudaro somupiro wokupfupira zvitadzo achaona zvizukuru zvake, achaita kuti mazuva ake awande. Zvinodiwa naTenzi zvichabudirira zviri mumaoko make. Achaona mubayiro wezvaakatamburira iye pachake agogutsikana. Noruzivo rwake iye muranda wangu, mururami achaita kuti vazhinji vazonzi varurami, ndiye achatakura zvitadzo zvavo. Naizvozvo ini ndichamupa mugove mukati mavakuru vakuru, achakamurirana navane simba zvinhu zvinenge zvapambwa nokuti akazvipira kufa akaverengerwa pamwechete navatadzi akatakura zvitadzo zvavazhinji achinamatira vatadzi.

Verenga chikamu Isaya 53