Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezra 1

1
Koreshi mambo wePersia unotendera ʋaJuda kudzokera kunyika yaʋo.
1Ɀino negore rokutaŋga raKoreshi mambo wePersia, kuti shoko raJehova rakarebga nomuromo waJeremia riitike, Jehova wakamutsa mŋeya waKoreshi mambo wePersia, akaparidza paʋushe bgake bgose, akaɀinyora ʋo, akati: 2Ɀanzi naKoreshi mambo wePersia: Jehova Mŋari wokuɗeŋga wakandipa ʋushe bgose bgenyika, akandiraira kuti ndimuʋakire imba paJerusarema riri paJuda. 3Ɀino aninani uri’po pakati penyu waʋanhu ʋake, Jehova Mŋari wake ŋgaaʋe naye, ŋgaakwire hake Jerusarema riri paJuda, kundoʋaka imba yaJehova Mŋari waIsraeri, (ndiye Mŋari), unogara Jerusarema. 4Aninani wakasara, papi napapi paanogara, ʋarume ʋokwake ŋgaʋamuɓatsire nesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, ʋuye neɀipo ɀaʋanopa nokuɀiɗira, kuzoʋaka imba yaMŋari iri paJerusarema. 5Ipapo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aJuda naBenjamini ʋakaɀigadzira, naʋaprista, naʋaRevi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋamutswa mŋeya yaʋo naMŋari, kundoʋaka imba yaJehova yakaŋga iri paJerusarema. 6Ʋuye ʋose ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza ʋakasimbisa maʋoko aʋo nemidziyo yesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, neɀinhu ɀinokosha, pamŋe cete neɀose ɀaʋakaʋapa nomŋoyo waʋo. 7Naiye mambo Koreshi ʋo wakaɓuɗisa midziyo yeimba yaJehova, yakaŋga yatorwa paJerusarema naNebukadnezari ikaiswa naye paimba yaʋamŋari ʋake; 8Koreshi mambo wePersia akaraira Mitredati muceŋgeti wefuma kuɓuɗisa iyeyo, akaiʋereŋga aciipa Sheshibazari, mucinda waJuda. 9Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzinamakumi matatu, nendiro dzesirveri dzinecuru cimŋe, namapaŋga anamakumi maʋiri namapfumbamŋe; 10nembiya dzendarama dzinamakumi matatu, nembiya dzesirveri dzorumŋe rudzi dzinamazana manna negumi, nemimŋe midziyo inecuru cimŋe. 11Midziyo yose yendarama neyesirveri yakaŋga ineɀuru ɀishanu namazana manna. Iɀo ɀose Sheshibazari wakaenda naɀo paŋguʋa yokubva kwaʋatapxa Babironi ʋacienda Jerusarema.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezra 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda