Ezra 2
2
Mazita aʋaJuda ʋakadzokera kunyika yaʋo.
1Ɀino aʋa ndiʋo ʋana ʋorutiʋi rwenyika yaJuda ʋakadzoka pakutapxa, pakati paʋakaŋga ʋakatapxa, ʋakatapxa naNebukadnezari mambo weBabironi ʋakaiswa Babironi, ʋakazodzokera Jerusarema nokwaJuda, mumŋe nomumŋe kuguta rake; 2iʋo ʋakaʋuya naZerubaberi, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naMordekai, naBirshani, naMispari, naBigvai, naRehumi, naBaana. 3Kuwanda kwaʋarume ʋaʋanhu ʋaIsraeri ndiko: Ʋana ʋaParoshi, ɀuru ɀiʋiri nezana namakumi manomŋe naʋaʋiri. 4Ʋana ʋaShefatia, mazana matatu namakumi manomŋe naʋaʋiri. 5Ʋana ʋaAra, mazana manomŋe namakumi manomŋe naʋashanu. 6Ʋana ʋaPahati‐moabi, ʋaʋana ʋaJeshua naJoabi, ɀuru ɀiʋiri namazana masere negumi naʋaʋiri. 7Ʋana ʋaErami, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna. 8Ʋana ʋaZetu, mazana mapfumbamŋe namakumi manna naʋashanu. 9Ʋana ʋaZakai, mazana manomŋe namakumi matanhatu. 10Ʋana ʋaBani, mazana matanhatu namakumi maʋiri naʋaʋiri. 11Ʋana ʋaBebai, mazana matanhatu namakumi maʋiri naʋatatu. 12Ʋana ʋaAzgadi, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi maʋiri naʋaʋiri. 13Ʋana ʋaAdonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu naʋatanhatu. 14Ʋana ʋaBigvai, ɀuru ɀiʋiri namakumi mashanu naʋatanhatu. 15Ʋana ʋaAdini, mazana manna namakumi mashanu naʋanna. 16Ʋana ʋaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamŋe naʋasere. 17Ʋana ʋaBezai, mazana matatu namakumi maʋiri naʋatatu. 18Ʋana ʋaJora, zana negumi naʋaʋiri. 19Ʋana ʋaHashumi, mazana maʋiri namakumi maʋiri naʋatatu. 20Ʋana ʋeGibari, makumi mapfumbamŋe naʋashanu. 21Ʋana ʋeBeti‐rehemi, zana namakumi maʋiri naʋatatu. 22Ʋarume ʋeNetofa, makumi mashanu naʋatanhatu. 23Ʋarume ʋeAnatoti, zana namakumi maʋiri naʋasere. 24Ʋana ʋeAzmaveti, makumi manna naʋaʋiri. 25Ʋana ʋeKiriati‐arimi, neKefira, neBeeroti, mazana manomŋe namakumi manna naʋatatu. 26Ʋana ʋeRama neGeba, mazana matanhatu namakumi maʋiri nomumŋe. 27Ʋarume ʋeMikmashi, zana namakumi maʋiri naʋaʋiri. 28Ʋarume ʋeBeti‐eri neAi, mazana maʋiri namakumi maʋiri naʋatatu. 29Ʋarume ʋeNebo, makumi mashanu naʋaʋiri. 30Ʋana ʋeMagbishi, zana namakumi mashanu naʋatanhatu. 31Ʋana ʋaErami wecipiri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna. 32Ʋana ʋaHarimi, mazana matatu namakumi maʋiri. 33Ʋana ʋeRodi, neHadidi, neOno, mazana manomŋe namakumi maʋiri naʋashanu. 34Ʋana ʋeJeriko, mazana matatu namakumi manna naʋashanu. 35Ʋana ʋeSenaa, ɀuru ɀitatu namazana matanhatu namakumi matatu. 36Ʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJadaya, ʋeimba yaJeshua, mazana mapfumbamŋe namakumi manomŋe naʋatatu. 37Ʋana ʋeImeri, curu cimŋe namakumi mashanu naʋaʋiri. 38Ʋana ʋaPashuri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi manna naʋanomŋe. 39Ʋana ʋaHarimi, curu cimŋe negumi naʋanomŋe. 40ƲaRevi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJeshua, naKadmieri, ʋaʋana ʋaHodavia, makumi manomŋe naʋanna. 41Ʋaimbi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaAsafi, zana namakumi maʋiri naʋasere. 42Ʋana ʋaʋarindi ʋemikoʋa ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSharumi, naʋana ʋaAteri naʋana ʋaTarmoni, naʋana ʋaAkubi, naʋana ʋaHatita, naʋana ʋaShobai, ʋose zana namakumi matatu naʋapfumbamŋe. 43ƲaNetinimi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaZiha, naʋana ʋaHasufa, naʋana ʋaTabaoti; 44naʋana ʋaKerosi naʋana ʋaSiaha, naʋana ʋaPadoni; 45naʋana ʋaRebana, naʋana ʋaHagaba, naʋana ʋaAkubi; 46naʋana ʋaHagabi, naʋana ʋaShamrai, naʋana ʋaHanani; 47naʋana ʋaGideri, naʋana ʋaGahari, naʋana ʋaReaya; 48naʋana ʋaRezini, naʋana ʋaNekoda, naʋana ʋaGazami; 49naʋana ʋaUza, naʋana ʋaPasea, naʋana ʋaBesai; 50naʋana ʋaAsna, naʋana ʋaMeunimi, naʋana ʋaNefisimi; 51naʋana ʋaBakbuki, naʋana ʋaHakufa, naʋana ʋaHarhuri; 52naʋana ʋaBazruti, naʋana ʋaMehida, naʋana ʋaHarsha; 53naʋana ʋaBarkosi, naʋana ʋaSisera, naʋana ʋaTema; 54naʋana ʋaNezia, naʋana ʋaHatifa. 55Ʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSotai, naʋana ʋaHasofereti, naʋana ʋaPeruda; 56naʋana ʋaJaara, naʋana ʋaDarkoni, naʋana ʋaGideri; 57naʋana ʋaShefatia, naʋana ʋaHatiri, naʋana ʋaPokereti‐hazebaimi, naʋana ʋaAmi. 58ƲaNetinimi ʋose naʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni ʋaiʋa mazana matatu namakumi mapfumbamŋe naʋaʋiri. 59Ndiʋo ʋakakwira ʋacibva Terimera, neTeriharsha, neKerubi, neAdani, neImeri; asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuɗudza dzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namarudzi aʋo, kana ʋakaŋga ʋari ʋaIsraeri: 60Ʋana ʋaDeraya, naʋana ʋaTobia, naʋana ʋaNekoda, mazana matanhatu namakumi mashanu naʋaʋiri. 61Naʋana ʋaʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaHabaya, naʋana ʋaHakozi, naʋana ʋaBarzirai, wakaŋga awana mukadzi waʋakunda ʋaBarzirai muGireadi, akazotumidzwa zita rokwaʋo. 62Aʋa ʋakatȿaka mazita aʋo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka ʋakanzi ʋakaȿiɓiswa, ʋakabviswa paʋuprista. 63Ipapo muɓati akaʋaʋudza kuti ʋarege kudya ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, kuȿikira kwamuka muprista uneUrimi neTumimi. 64Ʋuŋgano yose yakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri namazana matatu namakumi matanhatu, 65ʋasiŋgaʋereŋgi ʋaranda ʋaʋo naʋarandakadzi ʋaʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀinomŋe namazana matatu namakumi matatu naʋanomŋe; ʋakaŋga ʋanaʋaimbi ʋarume naʋakadzi ʋanamazana maʋiri. 66Ʋakaŋga ʋanamabiza anamazana manomŋe namakumi matatu namatanhatu; mahesera aʋo akaŋga anamazana maʋiri namakumi manna namashanu; 67namakamera aʋo, mazana manna namakumi matatu namashanu, nemboŋgoro dzaʋo ɀuru ɀitanhatu namazana manomŋe namakumi maʋiri. 68Ʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, pakuȿika kwaʋo paimba yaJehova paJerusarema, ʋakaʋigira nomŋoyo waʋo ɀipo ɀaʋo, kuti ʋamutse imba yaMŋari paʋugaro bgayo. 69Ʋakapa seɀaʋakagona mari yokuɓate‐ɓasa nayo madariki#2:69 Mari ineŋge £64,000. endarama aneɀuru ɀinamakumi matanhatu necimŋe, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀishanu, neŋguʋo dzaʋaprista dzinezana. 70Ɀino ʋaprista naʋaRevi, naʋamŋe ʋanhu, naʋaimbi naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaNetinimi, ʋakagara pamaguta aʋo, naʋaIsraeri ʋose pamaguta aʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezra 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018