Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 30

30
1Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, profita, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Wuŋgudzai! Haiwa, zuʋa rakaipa sei! 3Nokuti zuʋa raʋa pedyo, zuʋa raJehova raʋa pedyo, izuʋa ramakore; icaʋa ŋguʋa yamarudzi aʋanhu. 4Munondo ucaʋuya pamsoro peEgipita, kurwadziwa kukuru kucaʋa’po paEtiopia, kana ʋakaʋurawa ʋaciparadzwa paEgipita; ʋacabvisa ʋanhu ʋayo ʋazhinji, nenheyo dzayo dzicakoromorwa. 5Etiopia nePuti, neRudi, naʋanhu ʋose ʋakaveŋgana, neKubi, naʋana ʋenyika ʋakaita suŋgano, ʋacaparadzwa pamŋe cete naʋo nomunondo.
6Ɀanzi naJehova: Naiʋo ʋanotsigira Egipita ʋacaparadzwa; kuɀikudza kwesimba rayo kucaɗerera; ʋacaparadzwa’mo nomunondo kubva paMigdori kuȿikira paSevene. 7Ʋacaʋa ɗoŋgo pakati penyika dzakaitwa matoŋgo, namaguta ayo acaʋa pakati pamaguta akaitwa matoŋgo. 8Ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndaisa mŋoto paEgipita, ʋaɓatsiri ʋayo ʋose ʋaparadzwa. 9Nezuʋa iro nhume dzicabva kwandiri neɀikepe kundotyisa ʋaEtiopia ʋasinehanya; ʋacaʋa nokurwadziwa kukuru, sapazuʋa reEgipita; nokuti, tarirai, ɀinoʋuya.
10Ɀanzi naShe Jehova: Ndicagumisa ʋo ʋanhu ʋazhinji ʋeEgipita noruʋoko rwaNebukadrezari mambo weBabironi. 11Iye naʋanhu ʋake ʋaanaʋo, ʋanotyisa ɀikuru pakati pamarudzi, ʋacaʋuyiswa’mo kuzoparadza nyika; ʋacavomorera Egipita minondo yaʋo, nokuzadza nyika naʋakaʋurawa. 12Ndicapxisa mvura yenzizi, nokuteŋgesa nyika mumaʋoko aʋanhu ʋakaipa; nyika ndicaiita ɗoŋgo, neɀose ɀiri’mo, noruʋoko rwaʋatorwa; ini Jehova, ndakataura iɀoɀo.
13Ɀanzi naShe Jehova: Ndicaparadza ʋo ɀifananidzo, nemifananidzo ndicaigumisa paNofi; hapaŋgazoʋi nomucinda kunyika yeEgipita; ndicaisa kutya panyika yeEgipita. 14Patrosi ndicariita ɗoŋgo, paZoani ndicaisa mŋoto, ndicaita ɀandakatoŋga pamsoro peNo. 15Ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro peSini, iyo nhare yeEgipita; ndicaparadza ʋanhu ʋazhinji ʋeNo. 16Ndicaisa mŋoto paEgipita; Sini ricaɓatwa nokurwadziwa kukuru, No ricaparadzwa, Nofi ricaʋa naʋaʋeŋgi masikati. 17Majaya eAveni neePibeseti acaʋurawa nomunondo, maguta awa acatapxa. 18PaTapanesi masikati acaita rima, kana ndicivuna’po majoko eEgipita, kuɀikudza kwesimba raro kucapera mukati maro; kana riri iro, ricafukidzwa negore, ʋakunda ʋaro ʋacatapxa. 19Saiɀoɀo ndicaita ɀandakatoŋga pamsoro peEgipita; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
20Ɀino negore regumi nerimŋe, nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa recinomŋe romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 21Mŋanakomana womunhu, ndavuna ruʋoko rwaFarao mambo weEgipita; ɀino tarira, harunakupomberwa, kuti rurapxe nemishoŋga, rupomberwe muceka, kuti ruʋe nesimba rokuɓata munondo. 22Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndinemhaka naFarao mambo weEgipita, ndicavuna maʋoko ake, irwo runesimba norumŋe rwakavunika; ndicawisa pasi munondo uri paruʋoko rwake. 23Ndicaparadzira ʋaEgipita pakati pamarudzi, ndicaʋadziŋgira kunyika dzose. 24Asi ndicasimbisa maʋoko amambo weBabironi, nokuisa munondo waŋgu muruʋoko rwake; asi ndicavuna maʋoko aFarao, ucagomera pamberi pake seɀinogomera munhu wakakuʋadzwa uri pakufa. 25Ndicatsigira maʋoko amambo weBabironi, asi maʋoko aFarao acaremberera pasi; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciisa munondo waŋgu muruʋoko rwamambo weBabironi, iye akautambanudzira pamsoro penyika yeEgipita. 26Ndicaparadzira ʋaEgipita pakati pamarudzi aʋanhu, nokuʋadziŋgirira kunyika dzose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 30: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda