Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 29

29
Cireʋo pamsoro peEgipita.
1Ɀino negore regumi, nomŋedzi wegumi, nezuʋa regumi namaʋiri romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kunaFarao mambo weEgipita, uprofite pamsoro pake napamsoro peEgipita rose. 3Taura, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Farao mambo weEgipita, iwe shato huru uʋete pakati penzizi dzako, ukati: Rwizi rwaŋgu ndorwaŋgu, ndakaɀiitira irwo. 4Ndicaisa ɀikokoʋono mushaya dzako, ndicanamatidza hoʋe dzenzizi dzako pamakwande ako, ndicakubvisa mukati menzizi dzako pamŋe cete nehoʋe dzose dzenzizi dzako dzakanamatira pamakwande ako. 5Ndicakurashira kurenje, iwe nehoʋe dzose dzenzizi dzako, ucawira pasi paɓani pakacena, hauŋgakokerwi kana kuʋuŋganidzwa; ndakakuisa kuɀikara ɀapasi neshiri dzokuɗeŋga, uʋe ɀokudya ɀaɀo. 6Ʋose ʋagere Egipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, nokuti ʋakaŋga ʋakaita setȿimbo yorutsaŋga kuimba yaIsraeri. 7Ʋakati ʋaciɓata ruʋoko rwako, iwe ukavunika, ukatsemura mafudzi aʋo ose; ʋakati ʋacisendama pamsoro pako, iwe ukavunika, ukamisa ɀiʋuno ɀaʋo ɀiri ɀoga. 8Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinoʋuyisa munondo pamsoro pako, ndicaparadza pakati pako ʋanhu neɀipfuwo. 9Nyika yeEgipita icaʋa ɗoŋgo nenɀimbo yakaparadzwa ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. Ɀayakati: Rwizi ndorwaŋgu, ndini ndakaruita, 10naiɀoɀo, tarira, ndinemhaka newe ʋuye nenzizi dzako, ndicaita nyika yeEgipita nɀimbo yakaparadzwa cose neɗoŋgo, kubva pashoŋgwe yeSevene kuȿikira pamuganho weEtiopia. 11Hakunomunhu ucapfuʋura napo norutsoka rwake, norutsoka rwecipfuwo haruŋgapfuʋuri napo, haiŋgagarwi naʋanhu makore makumi manna. 12Nyika yeEgipita ndicaiita ɗoŋgo pakati penyika dzakaitwa matoŋgo, namaguta ayo acaitwa matoŋgo makore makumi manna pakati pamaguta akaitwa matoŋgo; ndicaparadzira ʋaEgipita pakati pamarudzi aʋanhu, nokuʋadziŋgira kunyika dzose. 13Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Kana makore makumi manna apera, ndicaʋuŋganidza ʋaEgipita kumarudzi aʋanhu kwandakaŋga ndaʋaparadzira; 14ndicadzosa ɀe kutapxa kweEgipita, ndicaʋadzosera ɀe kunyika yePatrosi, kunyika kwaʋakaɓerekerwa; ʋacaʋa’po ʋushe bgakaɀidzwa. 15Ʋucaʋa ʋushe ʋunoɀidzwa kupfuʋura ʋushe bgose, haʋuŋgazoɀimisi ɀe kukunda mamŋe marudzi; ndicaʋatapudza, ʋarege kuzoɓata ɀe mamŋe marudzi paʋushe bgaʋo. 16Imba yaIsraeri haiŋgazoʋimbi nabgo, ʋucindiyeʋudzira ɀakaipa ɀaʋo, kana ʋaciceukira kwaʋari; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.
17Ɀino negore ramakumi maʋiri namanomŋe, nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 18Mŋanakomana womunhu, Nebukadrezari mambo weBabironi, wakaɓatisa hondo yake ɓasa guru rokurwa neTire; misoro yose yakaȿotorwa namafudzi ose akaȿuʋuka; kunyaŋge ɀakaɗaro iye nehondo yake haʋana‐kupiwa muɓairo neTire pamsoro peɓasa raakaɓata acirwa naʋo. 19Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, nyika yeEgipita ndicaipa Nebukadrezari mambo weBabironi; iye ucatapa ʋanhu ʋayo ʋazhinji, nokutora ɀaacapamba, nokutora ɀaacatapa; ndiɀo ɀicaʋa muɓairo wehondo yake. 20Ndakamupa iye nyika yeEgipita, uʋe muripo wake weɀaakaɓatira, nokuti ʋakandiɓatira ini — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
21Nezuʋa iro ndicamedzera imba yaIsraeri runyaŋga, newe ndicakupa muromo wakashamiswa pakati paʋo; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 29: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda