Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 31

31
ƲaEgipita ʋacaita saʋaAsiria.
1Ɀino negore regumi nerimŋe, nomŋedzi wecitatu, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, iti kunaFarao mambo weEgipita, nokuʋanhu ʋake ʋazhinji: Iwe wakafanana nani paʋukuru bgako? 3Tarira, muAsiria wakaŋga ari musidari paRebanoni, wakaŋga unamashizha akanaka, nomumvuri wakaita soweɗondo, wakareɓa kwaɀo; musoro wawo wakaŋga uri kumakore. 4Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasi‐pasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaiyerera pose pakasimŋa, yaiȿitsa migero yayo kumiti yose yokusaŋgo. 5Naiɀoɀo wakakura kupfuʋura miti yose yokusaŋgo, mataʋi awo akawanda, ʋutaʋi bgawo ʋukareɓa nemvura zhinji, neŋguʋa yokumera kwawo. 6Shiri dzose dzokuɗeŋga dzakaʋaka matendere adzo mumataʋi awo, nemhuka dzose dzokusaŋgo dzakaɓereka ʋana ʋadzo pasi pamataʋi awo; marudzi makuru ose aʋanhu akagara mumumvuri wawo. 7Saiɀoɀo wakaŋga wakanaka paʋukuru bgawo, napakureɓa kwamataʋi awo; nokuti mudzi wawo wakaŋga uri mumvura zhinji. 8Misidari mumunda waMŋari yakaŋga isiŋgagoni kuudzitira; miti yemisipresi haina‐kufanana noʋutaʋi bgawo, nemiprani yakaŋga isina‐kufanana namataʋi awo; kwakaŋga kusinomuti mumunda waMŋari wakaŋga wakafanana nawo pakunaka kwawo. 9Ndakauita ɀakanaka nokuwanda kwamataʋi awo, naiɀoɀo miti yose yeEdeni, yaiʋa mumunda waMŋari, yaiugoɗora.
10Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakakura ɀikuru iwe, akaisa musoro wake pakati pamakore, mŋoyo wake ukaɀikudza nokuɗa kwokureɓa kwake, 11ndicamuisa muruʋoko rwounesimba pakati pamarudzi aʋanhu, iye ucamuitira ɀawakafanira; ndakamudziŋga nokuɗa kweɀakaipa ɀake. 12Ʋatorwa, iʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi, ʋakamutema ʋakamurega, mataʋi ake akawira pamsoro pamakomo nomumipata yose, ʋutaʋi bgake bgakavunikira pahoʋa dzose dzenyika; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋabva pamumvuri wake, ʋakamusiya. 13Shiri dzose dzokuɗeŋga dzicagara paɗanda rake rakawa, mhuka dzose dzesaŋgo dzicaʋa pamataʋi ake; 14kuti miti yose iri pamvura irege kuɀikudza nokureɓa kwayo, kana kuȿitsa misoro yayo mumakore, neinesimba pakati payo irege kumira iciɀikudza — iyo miti yose inonwa mvura; nokuti yose yakatarirwa rufu, iende kunɀimbo dzapasi dzenyika, pakati paʋana ʋaʋanhu, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.
15Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa raakaɓurukira kuSheori, ndakaraira kuti ʋanhu ʋaceme; ndakafukidza pakadzika nokuɗa kwake, ndikadzora nzizi dza’po, mvura zhinji ikamiswa; ndakaraira Rebanoni kumucema, miti yose yokusaŋgo ikati rukutu nokuɗa kwake. 16Ndakaɗeɗeresa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, neŋguʋa yandakamukandira muSheori, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba; miti yose yeEdeni, iyo yakatsaurwa yakaiȿo‐naka yeRebanoni, iyo yose inonwa mvura, ikaʋaraidzwa panɀimbo dzapasi dzenyika. 17Yakaɓurukira ʋo naye kuSheori kunaiʋo ʋakaʋurawa nomunondo; ɀirokwaɀo, ndiʋo ʋaiʋa ruʋoko rwake, ʋaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
18Iwe wakafanana naniko pakubginya noʋukuru pakati pemiti yeEdeni? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɓuruswa pamŋe cete nemiti yeEdeni kunɀimbo dzapasi dzenyika; ucaʋata pasi pakati paʋasina‐kudziŋgiswa, pamŋe cete naʋakaʋurawa nomunondo. Ndiye Farao naʋanhu ʋake ʋazhinji — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 31: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda