Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 23

23
Mimŋe mirairo.
1Usaita makuhwa; usaɓatsirana nowakaipa pakuita capupu cisakarurama. 2Usateʋera ʋazhinji pakuita ɀakaipa; usapupura pamhoȿa pamŋe cete naʋazhinji kuti irege kururamiswa; 3usatsaura murombo ucimuitira tsitsi pamhaka yake.
4Kana ukasoŋgana nenzombe kana mboŋgoro yakarashika yomuʋeŋgi wako, ɀirokwaɀo unofanira kuidzosera kwaari. 5Kana ukaʋona mboŋgoro yomuʋeŋgi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumuɓatsira, ɀirokwaɀo umuɓatsire kuisunuŋgura.
6Usatsausa ɀakarurama ɀomurombo pamhaka yake. 7Unɀeŋge shoko renhema; usaʋuraya munhu usinemhoȿa ʋuye wakarurama, nokuti handiŋgaruramisiri wakaipa. 8Usagamucira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza ʋanoʋona, nokukaŋganisa mashoko aʋakarurama. 9Usatambudza mutorwa, nokuti munoziʋa mŋoyo womutorwa, ɀamakaŋga muri ʋatorwa munyika yeEgipita.
10Dɀara munda wako makore matanhatu, ucikohwa ɀiɓereko ɀawo. 11Asi negore recinomŋe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti ʋarombo ʋaʋanhu ʋako ʋadye, nemhuka dzesaŋgo dzidye ɀaʋasiya. Saiɀoɀo uite ʋo nomunda wako wemizambiriŋga nomunda wako wemiorivi. 12Uɓate maɓasa ako namazuʋa matanhatu, ugozorora nezuʋa recinomŋe; kuti nzombe yako nemboŋgoro yako ɀizorore, nomŋanakomana womurandakadzi wako nomutorwa ʋambofema haʋo. 13Ɀinhu ɀose ɀandakakuʋudzai muɀiterere; musareʋa zita raʋamŋe ʋamŋari, ŋgarirege kunzwika pamiromo yenyu.
14Undiitire mutambo katatu pagore. 15Uite mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; udye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe, seɀandakakuraira, paŋguʋa yakatarwa pamŋedzi weAbibi (nokuti wakaɓuɗa nawo Egipita); kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu; 16ʋuye mutambo wokuceka, weɀitȿa ɀamaɓasa ako, ɀawakadɀara mumunda mako; ʋuye mutambo wokuʋuŋganidza pakupera kwegore, kana woʋuŋganidza ɀamaɓasa ako pamunda. 17Ʋarume ʋenyu ʋose ŋgaʋaʋuye pamberi paShe Mŋari katatu negore.
18Usandiʋigira ropa reciɓayiro caŋgu pamŋe cete neciŋgwa cakaʋiriswa; namafuta omutambo waŋgu arege kuʋata ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana. 19Ɀokutaŋga ɀeɀitȿa ɀomunda wako unofanira kuʋuya naɀo kumba kwaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo.
20Tarira, ndinotuma mutumŋa pamberi pako, akuceŋgete panzira, akuise panɀimbo yandakakugadzirira. 21Mumunzwei, muterere inzwi rake, musamutsamŋisa, nokuti haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu, nokuti zita raŋgu riri maari. 22Asi kana ukaterera inzwi rake kwaɀo, ukaita iɀoɀo ɀose ɀandinotaura, ndicaʋa muʋeŋgi waʋaʋeŋgi ʋako, nomudziʋisi waʋadziʋisi ʋako. 23Nokuti mutumŋa waŋgu ucakutuŋgamirira, akuȿitse kuʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaKanani, naʋaHivi, naʋaJebusi; ini ndicaʋaparadza. 24Usafugamira ʋamŋari ʋaʋo, kana kuʋashumira, kana kuteʋera maɓasa aʋo; asi unofanira kuʋaparadza cose, nokuputsanya shoŋgwe dzaʋo. 25Shumira Jehova Mŋari wako, kuti aropafadze ciŋgwa cako nemvura yako; neni ndicabvisa ʋurwere pakati penyu. 26Hakuŋgaʋi necinhu cinoȿodza, kana cisiŋgaɓereki panyika yako; ndicazadzisa mazuʋa ako. 27Ndicatuma cityiso caŋgu pamberi pako, nokukaŋganisa ndudzi dzose dzaucaȿika kwadziri, ndicafuratidza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose. 28Ndicatuma mago pamberi pako, adziŋge ʋaHivi, naʋaKanani, naʋaHeti pamberi pako. 29Handiŋgaʋadziŋgi pamberi pako negore rimŋe, kuti nyika irege kuita renje, ɀikara ɀesaŋgo ɀirege kukuwandira. 30Ndicanatsoʋadziŋga pamberi pako, kuȿikira maʋa ʋazhinji, upiwe nyika iʋe nhaka yako. 31Ndicaisa miganhu yako kubva paGuŋgwa Dɀuku kuȿikira kuGuŋgwa raʋaFiristia, nokubva kurenje kuȿikira kuRwizi, nokuti ndicapa ʋagere munyika mumaʋoko enyu, uʋadziŋge pamberi pako. 32Rega kuita suŋgano naʋo, kana naʋamŋari ʋaʋo. 33Haʋafaniri kugara munyika yako, kuti ʋarege kukutadzisa pamberi paŋgu, nokuti kana ukashumira ʋamŋari ʋaʋo, ɀirokwaɀo iɀo ɀicaʋa musuŋgo kwauri.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 23: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda