1
Eksodo 23:25-26
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shumira Jehova Mŋari wako, kuti aropafadze ciŋgwa cako nemvura yako; neni ndicabvisa ʋurwere pakati penyu. Hakuŋgaʋi necinhu cinoȿodza, kana cisiŋgaɓereki panyika yako; ndicazadzisa mazuʋa ako.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Eksodo 23:20
Tarira, ndinotuma mutumŋa pamberi pako, akuceŋgete panzira, akuise panɀimbo yandakakugadzirira.
3
Eksodo 23:22
Asi kana ukaterera inzwi rake kwaɀo, ukaita iɀoɀo ɀose ɀandinotaura, ndicaʋa muʋeŋgi waʋaʋeŋgi ʋako, nomudziʋisi waʋadziʋisi ʋako.
4
Eksodo 23:2-3
Usateʋera ʋazhinji pakuita ɀakaipa; usapupura pamhoȿa pamŋe cete naʋazhinji kuti irege kururamiswa; usatsaura murombo ucimuitira tsitsi pamhaka yake.
5
Eksodo 23:1
Usaita makuhwa; usaɓatsirana nowakaipa pakuita capupu cisakarurama.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo