Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 24

24
Mosesi naʋakuru ʋanokwira ɀe mugomo.
1Ɀino iye wakati kunaMosesi: Kwira kunaJehova, iwe naAroni, naNadabi naAbihu, naʋakuru anamakumi manomŋe ʋaʋaIsraeri, mufugame muri kure; 2Mosesi ŋgaasweɗere pedyo naJehova, asi iʋo ŋgaʋarege kusweɗera pedyo, naʋanhu ŋgaʋarege kukwira naye. 3Ɀino Mosesi akaʋuya akaʋudza ʋanhu mashoko ose aJehova, neɀaakaŋga atema ɀose, ʋanhu ʋakapindura nenzwi rimŋe, ʋakati: Mashoko ose akarebga naJehova ticaaita. 4Mosesi akanyora mashoko ose aJehova, akamuka maŋgwanani, akandoʋaka artari pasi pegomo, akamisa shoŋgwe dzinegumi nembiri, ɀakafanana namarudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. 5Ɀino akatuma majaya aʋana ʋaIsraeri ʋakapisira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, nokumuɓayira ɀipiriso ɀenzombe ɀokuyananisa. 6Mosesi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imŋe hafu akasasa paartari. 7Akatora buku yesuŋgano akaraʋa ʋanhu ʋaciɀinzwa; iʋo ʋakati: Ɀose ɀarebga naJehova ticaɀiita, ticaterera. 8Ipapo Mosesi akatora ropa akarisasa pamsoro paʋanhu, akati: Tarirai ropa resuŋgano yakaitwa naJehova nem pamsoro pamashoko iwaya ose. 9Ɀino Mosesi, naAroni, naNadabi, naAbihu, naʋakuru ʋanamakumi manomŋe ʋaʋaIsraeri ʋakakwira. 10Ʋakaʋona Mŋari waʋaIsraeri; pasi petsoka dzake pakaŋga pakaita samabge esafiri, ɀaiʋonekera sokuɗeŋga caiko. 11Asi haana‐kutambanudzira ruʋoko rwake kuʋakuru iʋaʋo ʋaʋana ʋaIsraeri; ʋakaʋona Mŋari, ʋakadya, ʋakanwa.
12Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Kwira kwandiri muno mugomo, ugare’po; ndicakupa mahwendefa amabge anomurairo nomurau wandanyora, kuti uʋadzidzise. 13Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMŋari, 14akati kuʋakuru: Timirirei pano, kuȿikira ticidzokera ɀe kwamuri; tarirai Aroni naHuri ʋanemi; aninani unemhaka ŋgaaende kwaʋari. 15Ɀino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. 16Kubginya kwaJehova kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuʋa matanhatu; nezuʋa recinomŋe wakaɗana Mosesi ari mukati megore. 17Kubginya kwaJehova kukaʋonekwa naʋana ʋaIsraeri kwakaita somŋoto unopisa kwaɀo, uri pamusoro wegomo. 18Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 24: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda