Deuteronomio 7
7
ƲaIsraeri haʋafaniri kuyanana nedzimŋe ndudzi.
1Ɀino kana Jehova Mŋari akupinza munyika maunoenda, kuiita yako, akadziŋga ndudzi zhinji pamberi pako, dzinoti: ʋaHeti, naʋaGirgashi, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaPerezi, naʋaHiʋi, naʋaJebusi, ndudzi nomŋe dzinokukunda noʋukuru nesimba; 2kana Jehova Mŋari wako akaʋaisa mumaʋoko ako, ukaʋakunda, iwe unofanira kuʋaparadza cose; haufaniri kuita suŋgano naʋo, kana kuʋanzwira nyasha; 3usawanana naʋo, usapa mŋanakomana wake mŋanasikana wako, kana kutorera mŋanakomana wako mŋanasikana wake. 4Nokuti ucatsausa mŋanakomana wako arege kunditeʋera, kuti ashumire ʋamŋe ʋamŋari; naiɀoɀo Jehova ucakutsamŋirai kwaɀo, akakurumidza kukuparadza. 5Asi ndiɀo ɀamunofanira kuʋaitira: Munofanira kuputsa artari dzaʋo, nokuputsanya shoŋgwe dzaʋo, nokutema matanda aʋo aʋanonamata nawo, nokupisa mifananidzo yaʋo yakaʋezwa. 6Nokuti uri rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako; Jehova Mŋari wako wakakutsaura kuti uʋe rudzi rwake cairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose. 7Jehova haana‐kukuɗai, kana kukutsaurai, nokuti makaŋga makapfuʋura dzimŋe ndudzi nokuwanda; nokuti imi makaŋga muri ʋashoma kundudzi dzose. 8Asi nokuti Jehova unokuɗai, ʋuye nokuti wakaŋga aciɗa kusimbisa kupika kwaakapikira madziɓaɓa enyu, nokuɗa kwaiɀoɀo Jehova wakakuɓuɗisai necanza cinesimba, akakudzikinurai paimba yoʋuranda paruʋoko rwaFarao, mambo weEgipita. 9Naiɀoɀo uziʋe kuti Jehova Mŋari wako, ndiye Mŋari, Mŋari wakatendeka, unosimbisa suŋgano yake nenyasha dzake kunaʋanomuɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yake kusikira kumarudzi anecuru camazana; 10unotsiʋa ʋanomuʋeŋga mumŋe nomumŋe, kuti aʋaparadze; haaŋganonokeri munhu unomuʋeŋga, asi ucamutsiʋa iye amene. 11Naiɀoɀo unofanira kuceŋgeta murairo, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, ɀandinokuraira nhasi, kuti uɀiite.
12Ɀino kana muciterera iɀi ɀakatoŋgwa, mukaɀiceŋgeta nokuɀiita, Jehova Mŋari wako ucakusimbisira suŋgano yake nenyasha dzake seɀaakapikira madziɓaɓa ako; 13iye ucakuɗa, nokukuropafadza, nokukuwanza; ucaropafadza ʋo ɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀevu rako, ɀiyo ɀako, newaini yako, namafuta ako, neɀakaɓerekwa neŋombe dzako, namakwaiana amakwai ako, panyika yaakapikira madziɓaɓa ako, kuti ucakupa iyo. 14Ucaropafadzwa iwe kupfuʋura dzimŋe ndudzi dzose; hapaŋgaʋi pakati penyu murume kana mukadzi usiŋgaɓereki, kana pakati peɀipfuwo ɀenyu. 15Jehova ucabvisa kwamuri hosha dzose; haaŋgatumiri kwamuri matenda akaipa eEgipita aunoziʋa, asi ucaatuma kuʋanhu ʋose ʋanokuʋeŋga. 16Iwe ucaparadza ndudzi dzose dzicaiswa mumaʋoko ako naJehova Mŋari wako; usadzinzwira nyasha; usashumira ʋamŋari ʋaʋo, nokuti ʋacaʋa musuŋgo kwauri. 17Ɀino kana ukati mumŋoyo mako: Ndudzi idzi dzinotipfuʋura nokuwanda, ndiŋgadzitorera seiko nyika yadzo? 18Haufaniri kuʋatya; unofanira kuraŋgarira ɀakanaka ɀakaitirwa Farao naʋaEgipita ʋose naJehova Mŋari wako; 19nemiidzo mikuru yamakaʋona nameso enyu, neɀiratidzo, neɀinoshamisa, necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, ɀawakaɓuɗiswa naɀo naJehova Mŋari wako; ndiɀo ɀicaitira Jehova Mŋari wako ʋanhu ʋose ʋaunotya. 20Ʋuye Jehova Mŋari wako ucatuma mago pakati paʋo, kuȿikira aʋo ʋakaŋga ʋasara, ʋakaʋanda, ʋaparadzwa pamberi pako. 21Usaʋatya, nokuti Jehova Mŋari wako uri pakati pako, Mŋari mukuru unotyisa. 22Jehova Mŋari wako ucadziŋga ndudzi idzo pamberi pako, rumŋe‐rumŋe; haufaniri kuʋaparadza ʋose kamŋe, kuti ɀikara ɀesaŋgo ɀirege kukuwandira. 23Asi Jehova Mŋari wako ucaʋaisa mumaʋoko ako, nokuʋanyoŋganisa, nokunyoŋganisa kukuru, kuȿikira ʋaparadzwa cose. 24Ucaisa ʋo madzimambo aʋo mumaʋoko ako, kuti uroɀe mazita aʋo pasi peɗeŋga; hapanomunhu uŋgagona kumira pamberi pako, kuȿikira waʋaparadza. 25Munofanira kupisa mifananidzo yaʋo yakaʋezwa yaʋamŋari ʋaʋo; haufaniri kucocora sirveri kana ndarama iri paʋari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa naɀo; nokuti ɀinonyaŋgadza pamberi paJehova Mŋari wako; 26usapinza cinonyaŋgadza mumba mako, kuti iwe urege kuʋa cinhu cakayeriswa saico; unofanira kucisema cose, nokuciʋeŋga cose, nokuti cinhu cakayeriswa.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018