Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 4

4
Mosesi unoʋaraira kuceŋgeta mirairo yaJehova.
1Ɀino imi ʋana ʋaIsraeri, tererai ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, ɀandinokudzidzisai, kuti muɀiite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu. 2Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muceŋgete mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai. 3Meso enyu akaʋona ɀakaitwa naJehova nokuɗa kweɀakaitwa paBaari‐peori; nokuti ʋarume ʋose ʋakateʋera Baari‐peori, Jehova Mŋari wenyu wakaʋaparadza pakati penyu. 4Asi imi, makanamatira Jehova Mŋari wenyu, imi mose muri ʋapenyu kuȿikira nhasi. 5Tarirai, ndakakudzidzisai ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, seɀandarairwa naJehova Mŋari waŋgu, kuti muite saiɀoɀo panyika yamunopinda, kuti iʋe yenyu. 6Naiɀoɀo muceŋgete iɀoɀo, muɀiite; nokuti ndiko kucenjera kwenyu nokuŋgwara kwenyu pamberi paʋanhu ʋacanzwa ɀose iɀi ɀakatemŋa, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, rudzi urwu rukuru ndiʋanhu ʋakacenjera ʋakaŋgwara. 7Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runamŋari uri pedyo naʋo, saJehova Mŋari weɗu ŋguʋa ipi neipi yatinoɗana kwaari? 8Rudzi rukuru ruripiko, runeɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀakarurama somurairo uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi? 9Asi ɀicenjererei, mushiŋgaire kuceŋgeta mŋeya yenyu, kuti murege kukaŋganwa ɀinhu ɀamakaʋona nameso enyu, ɀirege kuzobva pamŋoyo yenyu mazuʋa ose oʋupenyu bgenyu; asi munofanira kuɀiziʋisa ʋana ʋenyu naʋana ʋaʋana ʋenyu; 10musi wamakaŋga mumire pamberi paJehova Mŋari wenyu paHorebi, musi Jehova waakati kwandiri: Ndiʋuŋganidzire ʋanhu, ndiʋaʋudze mashoko aŋgu, kuti ʋadzidze kunditya mazuʋa ose aʋacagara panyika, ʋagodzidzisa ʋana ʋaʋo ʋo. 11Imi mukasweɗera, mukamira pajiŋga pegomo; gomo rikapfuta nomŋoto kuȿikira pakati peɗeŋga, pamŋe cete nerima, negore, nokuȿiɓa kukuru. 12Ɀino Jehova wakataura nemi ari mukati momŋoto; mukanzwa inzwi ramashoko, asi hamuna‐kuʋona kuti wakaɗini; makanzwa inzwi roga. 13Ipapo wakaɗudzira suŋgano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iyo mirairo inegumi; akainyora pamahwendefa maʋiri amabge. 14Neŋguʋa iyo Jehova akandiraira, kuti ndikudzidzisei ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, kuti mundoɀiita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu. 15Naiɀoɀo ɀicenjererei ɀikuru, nokuti hamuna‐kuʋona kuti wakaŋga akaɗini, musi Jehova waakataura nemi paHorebi ari pakati pomŋoto. 16Kuti murege kuɀishatsa, muciɀiitira cifananidzo cakaʋezwa, cakafanana necinhu cipi necipi, kana mufananidzo womurume kana womukadzi, 17Kana mufananidzo wemhuka ipi neipi iri panyika, kana mufananidzo weshiri ipi neipi inamapapiro, inobururuka muɗeŋga, 18kana mufananidzo wecinhu cipi necipi cinokambaira pasi, kana mufananidzo wehoʋe ipi neipi iri mumvura pasi penyika; 19kuti murege kusimudzira meso enyu kuɗeŋga, ɀino kana muciʋona zuʋa nomŋedzi nenyeredzi, hondo yose yokuɗeŋga, mukatsauswa mukanamata kwaɀiri nokuɀishumira, iɀo ɀakagoʋerwa ndudzi dzose dziri pasi peɗeŋga naJehova Mŋari wenyu. 20Asi Jehova wakakutorai imi, akakuɓuɗisai mucoto camatare, paEgipita, kuti muʋe ʋanhu ʋenhaka yake, seɀamuri nhasi. 21Jehova akanditsamŋira ʋo nokuɗa kwenyu, akapika kuti ini handiŋgayambuki Joridani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, kuti iʋe yenyu. 22Asi ini ndinofanira kufira munyika ino, handifaniri kuyambuka Joridani; asi imi mucayambuka henyu, mukapiwa nyika iyo yakanaka. 23Muɀicenjerere, kuti murege kukaŋganwa suŋgano yaJehova Mŋari wenyu, yaakaita nemi, mukaɀiitira cifananidzo cakaʋezwa comufananidzo wecinhu cipi necipi, cawakadziʋiswa naJehova Mŋari wako. 24Nokuti Jehova Mŋari wako, mŋoto unoparadza, naMŋari unegoɗo.
25Ɀino kana iwe waɓereka ʋana naʋazukuru, mukagara ŋguʋa huru panyika, mukaɀishatsa, mukaita cifananidzo cakaʋezwa nomufananidzo wecinhu cipi necipi, mukaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wako, mukamutsamŋisa; 26ini ndinoɗana ɗeŋga napasi ɀikupupurirei nhasi, kuti mucakurumidza kuparadzwa cose panyika yamunoyambukira Joridani kuti muende kwairi kuiita yenyu; hamuŋgaiti’mo mazuʋa mazhinji, asi mucaparadzwa cose. 27Jehova ucakuparadzirai pakati pendudzi, mucasara muri ʋashoma pakati pendudzi, kwamucandoiswa naJehova. 28Apo mucashumira ʋamŋari, ʋakaitwa namaʋoko aʋanhu, ʋamatanda naʋamabge, ʋasiŋgaʋoni, kana kunzwa, kana kudya, kana kunhuwidza. 29Asi kana mukazotȿaka Jehova Mŋari wako, ipapo, ucamuwana, kana ukamutȿaka nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose. 30Ɀino kana uri munjodzi, ɀinhu iɀi ɀose ɀakuwira, pamazuʋa okupedzisira ucadzokera kunaJehova Mŋari wako, ukaterera inzwi rake. 31Nokuti Jehova Mŋari wako ndiMŋari unenyasha; haaŋgakusiyi, kana kukuparadza, kana kukaŋganwa suŋgano yamadziɓaɓa ako, yaakaʋapikira. 32Nokuti bvunzai henyu ɀino pamazuʋa akapfuʋura, imi musati maʋa’po, kubva pazuʋa rokusikwa kwaʋanhu panyika naMŋari, kubva panorumŋe rutiʋi rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe, kana kwaimboʋa’po cinhu cikuru cakaɗai, kunyaŋge kumbonzwika cakaɗai? 33Ko kunaʋanhu, ʋakambonzwa inzwi raMŋari ricitaura riri mukati momŋoto, seɀamakanzwa imi, ʋakararama here? 34Kana Mŋari wakatoŋgoidza kundoɀitsaurira rudzi pakati porumŋe rudzi, nemiidzo, neɀiratidzo, neɀinoshamisa, nehondo, necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, neɀinotyisa kwaɀo, seɀamakaʋona ɀamakaitirwa ɀose naJehova paEgipita here? 35Imi makaratidzwa iɀoɀo, kuti muziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari; hakunomumŋe kunze kwake. 36Wakakunzwisai inzwi rake ari kuɗeŋga, kuti akudzidzise; panyika wakakuʋonesa mŋoto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momŋoto. 37Wakaɗa madziɓaɓa ako, naiɀoɀo akaɀitsaurira ʋana ʋaʋo ʋakaʋateʋera, akakuɓuɗisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru; 38kuti adziŋge pamberi pako ndudzi dzinokupfuʋura noʋukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yaʋo iʋe nhaka yako, seɀaakaita nhasi. 39Naiɀoɀo uziʋe nhasi, uɀiceŋgete mumŋoyo mako, kuti Jehova ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi; hakunomumŋe. 40Unofanira kuceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, kuti uwedzere mazuʋa ako panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako nokusiŋgaperi.
Maguta oʋutiziro kumabʋazuʋa kwaJoridani.
41Ɀino Mosesi akatsaura maguta matatu mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa; 42kuti muʋurayi agone kutizira’ko, iye wakaʋuraya wokwake, asina‐kuita nobgoni, asina‐kumuʋeŋga kare; kuti kana aciŋge atizira kunerimŋe ramaguta iwayo, ararame; 43aiti: Bezeri murenje, kunyika yamapani, waʋaRubeni, neRamoti paGireadi, waʋaGadi, neGorani paBashani, waʋaManase.
Mirairo inegumi inopamhidzwa.
44Ɀino ndiwo murairo wakaiswa naMosesi pamberi paʋana ʋaIsraeri: 45Ndiɀo ɀakapupurwa, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀakataurwa naMosesi kuʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo Egipita; 46ʋari kumabvazuʋa kwaJoridani, pamupata wakatarisana neBeti‐peori, munyika yaSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni, iye wakakundwa naMosesi naʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo Egipita; 47ʋakatora nyika yake, nenyika yaOgi, mambo weBashani, ikaʋa yaʋo; iwo madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, kumabvazuʋa; 48kubva paAroeri, pamuʋuyo womupata weArnoni, kuȿikira pagomo reSioni (ndiro Hermoni), 49noMupata wose uri mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kuȿikira paguŋgwa romupata, pajiŋga pePisga.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda