Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 23

23
Ʋanhu ʋanodziʋiswa paʋuŋgano yaJehova.
1Munhu wakakuʋadzwa manhu ake kana cirema cake haafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova.
2Mŋana woʋupombge haafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova; kunyaŋge kuȿikira parudzi rwegumi ʋana ʋake haʋafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova.
3MuAmoni nomuMoabi haʋafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova; kunyaŋge kuȿikira parudzi rwegumi mumŋe wokwaʋo haafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova nokusiŋgaperi; 4nokuti haʋana‐kundokuciŋgurai neɀokudya nemvura panzira, ŋguʋa yamakaɓuɗa Egipita; ʋuye nokuti ʋakatsaka kuripira Barami, mŋanakomana waBeori, wePetori, paMesopotamia, kuti akutuke. 5Asi Jehova Mŋari wako wakaŋga asiŋgaɗi kuterera Barami, asi Jehova Mŋari wako wakashandura kutuka akakuropafadza, nokuti Jehova Mŋari wako wakakuɗa. 6Haufaniri kuʋatȿakira rugare kana mufaro, mazuʋa ako ose nokusiŋgaperi.
7Haufaniri kusema muEdomi, nokuti ihama yako; haufaniri kusema muEgipita, nokuti wakaŋga uri mutorwa iwe panyika yake. 8Ʋana ʋaʋo ʋaʋanoɓerekerwa parudzi rwecitatu, ʋaŋgapinda paʋuŋgano yaJehova.
Pamisasa pagare pakanaka.
9Kana ucindorwa naʋaʋeŋgi ʋako, unofanira kuɀiceŋgeta paɀinhu ɀose ɀakaipa. 10Kana kunomumŋe pakati penyu usina‐kunaka nokuɗa kweɀakamuwira ʋusiku, unofanira kuɓuɗa kunze kwemisasa, ŋgaarege kupinda pamisasa; 11ɀino kana aʋa maɗekwana, unofanira kuɀishambidza nemvura; kana zuʋa raʋira uŋgapinda hake pamisasa. 12Iwe unofanira kuʋa nenɀimbo kunze kwemisasa kwauŋgaenda. 13Unofanira kuʋa neciraya ʋo pakati penhumbi dzako dzokurwa nadzo; ɀino kana woenda kunze, unofanira kucera naco, ndokuzofusira ɀinobva kwauri; 14nokuti Jehova Mŋari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa ʋaʋeŋgi ʋako mumaʋoko ako; naiɀoɀo misasa yako inofanira kuʋa mitȿene, kuti arege kuʋona cinhu cakaipa pakati penyu, akufuratire.
Mimŋe Mirairo.
15Usadzosera muranda kunatenzi wake, wakatizira kwauri, acibva kunatenzi wake; 16unofanira kugara newe, pakati pako, paanotsaura hake pakati perimŋe ramasuʋo ako, paanofarira; haufaniri kumumanikidza.
17Hapafaniri kuʋa necifeʋe pakati paʋanasikana ʋaIsraeri; ʋuye hapafaniri kuʋa nemhombge pakati paʋanakomana ʋaIsraeri. 18Haufaniri kuʋuya nomuɓayiro wecifeʋe, kana muteŋgo wembga, muimba yaJehova Mŋari wako, kuti upike nawo; nokuti iɀo ɀiʋiri ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.
19Usapa hama yako cikwerete, ucireʋa mhindu, iri mhindu yemari, kana yeɀokudya, kana yecinhu cipi necipi cinopiwa cicireʋa mhindu. 20Mutorwa uŋgamupa cikwerete, ucireʋa mhindu; asi haufaniri kupa hama yako cikwerete, ucireʋa mhindu; kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako, panyika yaunoenda kuti iʋe yenyu.
21Kana ukapikira Jehova Mŋari wako mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti ɀirokwaɀo, Jehova Mŋari wako ucaibvunza kwauri; ɀiŋgaʋa ɀiʋi kwauri. 22Asi kana ukarega hako kupika, haɀiŋgaʋi ɀiʋi kwauri. 23Ucenjere kuti uite seɀawakataura; seɀawakapikira Jehova Mŋari wako, ciri cipo cokuɗa kwako, cawakapikira nomuromo wako.
24Kana ukapinda mumunda wemizambiriŋga wowokwako, uŋgadya mazambiriŋga seɀaunoɗa, ugute; asi haufaniri kuisa mamŋe mumudziyo wako.
25Kana ukapinda muɀiyo ɀowokwako ɀigere kukohiwa, uŋgavuna hako hura noruʋoko rwako; asi haufaniri kuceka ɀivo ɀowokwako nejeko.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 23: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda