Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 24

24
Rugwaro rwokurambana.
1Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, ɀino akasafara naye, nokuti wawana cinhu cisina‐kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruʋoko rwake, ndokumubvisa mumba make. 2Ɀino kana aɓuɗa mumba make, uŋgandowanikwa nomumŋe murume. 3Kana murume uyu ɀe akamuʋeŋga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruʋoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyaŋge murume uyu akazofa, iye wakazomuwana, 4murume wake wokutaŋga, wakaɗeya kumubvisa, haaŋgamuwani ɀe, ɀaakaȿiɓiswa; nokuti iɀo ɀinonyaŋgadza Jehova; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako.
5Kana munhu acaŋgowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kuɓatiswa rimŋe ɓasa; unofanira kugara kumusha gore rimŋe akasunuŋguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
Ɀokupika neɀokuba neɀamaperembudzi
6Munhu haafaniri kutora guyo kana huyo, kuti ruʋe ruɓatso; nokuti unotora ruɓatso rwoʋupenyu bgomunhu.
7Kana munhu akawanikwa aciɓa mumŋe wehama dzake kuʋana ʋaIsraeri, akamuita muranda wake, kana kumuteŋgesa, uyo muɓi unofanira kufa; saiɀoɀo unofanira kubvisa cakaipa pakati pako.
8Cenjera pahosha yamaperembudzi kuti uceŋgete nokuita ɀakanaka ɀamunodzidziswa naʋaprista ʋaRevi; seɀandakaʋaraira, ndiɀo ɀamunofanira kuita. 9Raŋgarira ɀakaitirwa Miriami naJehova Mŋari wako panzira, muciɓuɗa Egipita.
10Kana ukaposwa nowokwako cinhu cipi necipi, haufaniri kupinda mumba make kundotora ruɓatso rwake. 11Unofanira kumira kunze, kuti munhu wakaposwa newe akuɓuɗisire kunze ruɓatso rwake. 12Kana aciŋge ari murombo, haufaniri kundoʋata noruɓatso rwake. 13Unofanira kumudzosera ruɓatso kana zuʋa roʋira, kuti aʋate neŋguʋo yake, akuropatadze; ucaruramiswa pamsoro paiɀoɀo naJehova Mŋari wako.
14Usamanikidza muranda unokuɓatira, ari murombo unoshaiwa, kana ari mumŋe wehama dzako, kana waʋatorwa ʋako ʋari munyika yako, mukati mamasuʋo ako. 15Unofanira kumupa muɓairo wake zuʋa rimŋe nerimŋe, zuʋa ŋgarirege kuʋira asanhi apiwa; nokuti murombo, nomŋoyo wake unoutarira; kuti arege kuzocema kunaJehova pamsoro pako, ɀikaʋa ɀiʋi kwauri.
16Madziɓaɓa haafaniri kuʋurawa pamsoro paʋana ʋaʋo, naʋana haʋafaniri kuʋurawa pamsoro pamadziɓaɓa aʋo; munhu mumŋe nomumŋe unofanira kuʋurayirwa ɀiʋi ɀake.
Tsitsi kucirikadzi, nenherera, naʋatorwa.
17Usatoŋgera mutorwa kana nherera ɀisina‐kururama; ʋuye haufaniri kutora ŋguʋo yecirikadzi kuita ruɓatso nayo. 18Asi unofanira kuraŋgarira kuti wakaŋga uri muranda paEgipita, Jehova Mŋari wako akakudzikinura ipapo; naiɀoɀo ndinokuraira kuita cinhu ici.
19Kana ukakohwa ɀiyo ɀako mumunda mako, ukakaŋganwa cisote mumunda, haufaniri kudzokera kundocitora; cinofanira kuʋa comutorwa, nenherera, necirikadzi; kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze pamaɓasa ose amaʋoko ako.
20Kana ucizuza muti wako womuorivi, usatȿakisisa pamataʋi ɀe; ɀinofanira kuʋa ɀomutorwa nenherera, necirikadzi. 21Kana uciʋuŋganidza mazambiriŋga omunda wako wemizambiriŋga, haufaniri kutȿakisisa ɀe; anofanira kuʋa omutorwa, nenherera, necirikadzi. 22Unofanira kuraŋgarira kuti wakaŋga uri muranda panyika yeEgipita; naiɀoɀo ndinokuraira cinhu ici.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 24: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda