Deuteronomio 22
22
Kana munhu aciwana cakarashika.
1Haufaniri kuʋona nzombe yehama yako, kana gwai rake, ɀicirashika, ukaɀinyenyeredza; ɀirokwaɀo unofanira kuɀidzosera kuhama yako. 2Kana hama yako iri kure newe, ɀimŋe usiŋgaciziʋi, unofanira kuenda naco kumusha kwako, cigare kwauri kuȿikira hama yako icicitȿaka, ugocidzosera kwaari. 3Unofanira kuita saiɀoɀo ʋo nemboŋgoro yake; unofanira kuita saiɀoɀo ʋo neŋguʋo yake; unofanira kuita saiɀoɀo ʋo neɀinhu ɀose ɀehama yako ɀakarashika, caakaŋga arashikirwa naco, cikawanikwa newe; haufaniri kuɀinyenyeredza.
4Haufaniri kuʋona mboŋgoro, kana nzombe, ɀehama yako ɀawira pasi panzira, ukaɀinyenyeredza; unofanira kumuɓatsira ɀirokwaɀo kuɀimutsa.
Ɀisiŋgatenderwi.
5Mukadzi haafaniri kufuka ŋguʋo dzomurume, nomurume haafaniri kufuka ŋguʋo dzomukadzi; nokuti aninani unoita iɀoɀo unonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.
6Kana ukawana ɗendere reshiri panzira, pamuti upi noupi, kana pasi, rinaʋana kana mazai, mai icivuvatira ʋana kana mazai, haufaniri kutora mai naʋana; 7unofanira kurega mai, asi ʋana uŋgatora hako; kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, uwedzerwe mazuʋa ako.
8Kana ukaʋaka imba itȿa, unofanira kuisa rumhanda paɗeŋga rako, kuti urege kuʋuyisa mhoȿa yeropa pamsoro peimba yako, kana mumŋe munhu akawa’po. 9Haufaniri kudɀara mbeu dzamarudzi maʋiri pamunda wako wemizambiriŋga, kuti ɀiɓereko ɀose ɀirege kutsaurirwa nɀimbo tȿene, idzo mbeu dzawadɀara, neɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga.
10Usarima nenzombe nemboŋgoro ɀakasuŋgwa pamŋe cete. 11Usafuka ŋguʋo dzakarukwa neɀinhu ɀakaveŋganiswa, mvere pamŋe cete nomuceka.
12Unofanira kuziitira masa pamiromo minna yeŋguʋo yako yaunoɀifukidza nayo.
Mukadzi wakacinya.
13Kana munhu akawana mukadzi, akapinda kwaari, akazomuʋeŋga, 14akamupomera ɀinonyadza, nokutaura ɀakaipa pamsoro pake, aciti: Ndakawana mukadzi uyu, asi ndakati ndicisweɗera kwaari, handina‐kuwana ɀiratidzo ɀoʋumhandara bgake kwaari; 15ɀino ɓaɓa ʋomusikana namai ʋake ʋanofanira kuenda neɀiratidzo ɀoʋumhandara bgake kuʋakuru ʋeguta pasuʋo; 16ɀino ɓaɓa ʋomusikana ʋanofanira kuti kuʋakuru: Ndakapa murume uyu mŋanasikana waŋgu, kuti aʋe mukadzi wake, asi ɀino womuʋeŋga; 17tarirai, wamupomera ɀinhu ɀinonyadza, aciti: Handina‐kuwana ɀiratidzo ɀoʋumhandara kumŋanasikana wako; asi heɀi ɀiratidzo ɀoʋumhandara bgomŋanasikana waŋgu. Ɀino ʋanofanira kuwarira ŋguʋo pamberi paʋakuru ʋeguta. 18Ipapo ʋakuru ʋeguta iro ʋanofanira kuɓata murume uyo, ʋamuroʋe; 19nokumuripisa mashekeri#22:19 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. esirveri anezana, ʋagoapa ɓaɓa ʋomusikana, nokuti wakataura ɀakaipa pamsoro pomusikana waIsraeri; ɀino iye unofanira kuʋa mukadzi wake, haaŋgamurashi mazuʋa ake ose. 20Asi kana riri shoko reɀokwaɗi, kuti ɀiratidzo ɀoʋumhandara ɀakashaikwa kumusikana, 21ʋanofanira kuɓuɗisira musikana kumukoʋa weimba yaɓaɓa ʋake, ʋarume ʋeguta rake ʋagomutaka namabge, afe; nokuti wakaita seɓenzi pakati paIsraeri, pakupata kwake paimba yaɓaɓa ʋake; saiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
22Kana murume akawanikwa aciʋata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, iʋaʋo ʋose ʋanofanira kuʋurawa, murume wakaʋata nomukadzi naiye mukadzi ʋo; saiɀoɀo iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati paIsraeri.
23Kana kunomusikana, iciri mhandara, wakanyeŋgwa nomurume, mumŋe murume akamuwana muguta, akaʋata naye; 24ipapo munofanira kuʋaɓuɗisa ʋose ʋari ʋaʋiri pasuʋo reguta, mugoʋataka namabge, ʋafe, musikana nokuti haana‐kuridza mhere, ari muguta hake, ʋuye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saiɀoɀo iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
25Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyeŋgwa ari kusaŋgo, murume akaita simba naye, akaʋata naye, iye murume wakaʋata naye unofanira kufa, iye oga; 26asi musikana haufaniri kumuita cinhu; musikana haana‐kuita ciʋi cinofanirwa norufu; nokuti shoko iri rakafanana neromurume wakamukira wokwake akamuʋuraya; 27nokuti wakamuwana kusaŋgo, musikana wakanyeŋgwa akaridza mhere, asi kwakaŋga kusinomunhu kumurwira.
28Kana murume akawana musikana, iciri mhandara, ugere kunyeŋgwa, akaita simba naye, akaʋata naye, ʋakaʋonekwa; 29ipapo murume wakaʋata naye unofanira kupa ɓaɓa ʋake mashekeri#22:29 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. anamakumi mashanu esirveri, ɀino iye unofanira kuʋa mukadzi wake, nokuti wamunyadzisa; haafaniri kuzomurasha paʋupenyu bgake bgose.
30Murume haafaniri kutora mukadzi waɓaɓa ʋake, haafaniri kufukura nhere yaɓaɓa ʋake.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018