Deuteronomio 21
21
Munhu wakaʋurawa usiŋgazikanwi unofanira kuyananisirwa.
1Kana panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako, pakawanikwa munhu wakaʋurawa akatandaʋara kusaŋgo, kusiŋgazikanwi kuti wamuʋuraya ndiani, 2ipapo ʋakuru ʋako naʋatoŋgi ʋako ʋanofanira kundoyera cinhambo kuȿika kumaguta akapoteredza munhu wakaʋurawa; 3ɀino guta riri pedyo nomunhu wakaʋurawa, ʋakuru ʋeguta iro ʋanofanira kutora tsiru reŋombe, risina‐kumboɓatwa naro, risina‐kumbokweʋa pajoko, 4ʋakuru ʋeguta iro ʋagoenda netsiru kumupata unorukoʋa runemvura inoyerera, usina‐kumborimŋa kana kudɀarwa, ndokuvuna mutsipa wetsiru imomo mumupata; 5ʋaprista ʋana ʋaRevi ʋanofanira kusweɗera, nokuti ndiʋo ʋakatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti ʋamushumire, nokuropafadza ʋanhu nezita raJehova; nokuti cireʋo cenharo dzose nokukuʋadza kwose ɀinofanira kutemŋa naʋo; 6ɀino ʋakuru ʋose ʋeguta iro riri pedyo nomunhu wakaʋurawa ʋanofanira kushamba maʋoko aʋo pamsoro petsiru rakavuniwa mutsipa waro pamupata, 7ʋagopindura, ʋaciti: Maʋoko eɗu haana‐kuteʋura ropa iro, nameso eɗu haana‐kuriʋona. 8Imi Jehova, kaŋganwirai henyu ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋamakadzikinura; musatendera kuti ropa risinemhoȿa rigare pakati paʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri. Ipapo ʋacakaŋganwirwa ropa iro. 9Saiɀoɀo unofanira kubvisa ropa risinemhoȿa pakati pako, kana waita ɀakarurama pamberi paJehova.
Ʋakadzi ʋakatapxa.
10Kana ucindorwa naʋaʋeŋgi ʋako, Jehova Mŋari wako akaʋaisa mumaʋoko ako, ukaʋatapa, 11ukaʋona pakati paʋatapxa mukadzi wakanaka, ukamuɗa, ukaɗa kumuwana aʋe mukadzi wako, 12unofanira kuenda naye kumba kwako; ɀino iye unofanira kuʋeʋura musoro wake, nokugura nzara dzake, 13nokurasha ŋguʋo dzake dzokutapxa, ndokugara mumba mako acicema ɓaɓa ʋake namai ʋake mŋedzi wose; pashure paiɀoɀo iwe uŋgapinda kwaari, iwe uʋe murume wake, iye aʋe mukadzi wako. 14Ɀino kana iwe usiŋgafari naye, unofanira kumurega kuti aende hake kwaanoɗa; asi haufaniri kutoŋgomuteŋgesa nemari; haufaniri kumuitira seɀinoitirwa muranda, nokuti wakataŋga wamunyadzisa.
Nhaka yomŋana weɗaŋgwe.
15Kana murume aciŋge anaʋakadzi ʋaʋiri, mumŋe unoɗikanwa, nomumŋe unoʋeŋgwa, ʋakamuɓerekera ʋana, unoɗikanwa nounoʋeŋgwa ʋose ʋari ʋaʋiri; ɀino kana mŋanakomana weɗaŋgwe ari waiye unoʋeŋgwa, 16musi waanogarisa ʋanakomana ʋake nhaka yake, haafaniri kupa mŋanakomana wounoɗikanwa ʋuɗaŋgwe, aciɗarika mŋanakomana wounoʋeŋgwa, iye ari mŋanakomana weɗaŋgwe caiye; 17asi unofanira kutenda mŋanakomana wounoʋeŋgwa, kuti ndiye weɗaŋgwe, amupe migoʋe miʋiri yeɀose ɀaanaɀo; nokuti ndiye wokutaŋga wesimba rake; ndiye unofanirwa noʋuɗaŋgwe.
Mŋana usiŋgatereri.
18Kana munhu anomŋanakomana wakasindimara usiŋganzwi, usiŋgaɗi kuterera inzwi raɓaɓa ʋake kana inzwi ramai ʋake, usiŋganzwi kana ʋacimuraŋga; 19ɓaɓa ʋake namai ʋake ʋanofanira kumuɓata ndokuenda naye kuʋakuru ʋeguta rake, nokusuʋo renɀimbo yake, 20ʋagoti kuʋakuru ʋeguta rake: Mŋanakomana weɗu uyu wakasindimara, unotimukira, haaɗi kuterera inzwi reɗu; unopedza fuma, nokunwa ɗoro. 21Ɀino ʋarume ʋose ʋeguta ʋanofanira kumutaka namabge, kuti afe; saiɀoɀo unofanira kubvisa cakaipa pakati pako; ʋaIsraeri ʋose ʋaɀinzwe, ʋatye.
Kuʋigwa kwaʋakaʋurawa.
22Kana munhu aciŋge atadza ciʋi cinofanirwa norufu, akaʋurawa, ukamusuŋgirira pamuti; 23citunha cake hacifaniri kuʋata pamuti ʋusiku bgose, asi unofanira kumuʋiga nomusi iwoyo, nokuti munhu wakasuŋgirirwa wakatukwa naMŋari; kuti urege kuȿiɓisa nyika yako yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018