Shure kwaiɀoɀo, Pauro wakabva Atene, akaȿika Korinte; akawana mumŋe muJuda, wainzi Akwira, worudzi rwaʋePonto, acaŋgobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakaŋga araira kuti ʋaJuda ʋose ʋabve Roma); akaenda kwaʋari; ɀino ɀaakaŋga aneɓasa rimŋe naʋo, akagara naʋo ʋaciɓata; nokuti ɓasa raʋo raiʋa rokuita matente. Saɓata rimŋe nerimŋe akataurirana naʋo musinagoge, akaidza kugombedzera ʋaJuda naʋaGiriki.
Ɀino Sirasi naTimotio ʋakati ʋacizoɓuruka ʋacibʋa Makedonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, acipupurira ʋaJuda kwaɀo kuti Jesu ndiye Kristu. Ɀino ʋakati ʋacimudziʋisa, nokumutuka, akazuza ŋguʋo dzake, akati kwaʋari: Ropa renyu ŋgariʋe pamsoro penyu; ndakacena, kubva ɀino ndicaenda kuʋahedeni. Akabva’po, akapinda mumba momumŋe, wainzi Tito Justo, wainamata Mŋari, imba yake yaiʋa pedyo nesinagoge. NaKrispo, mukuru wesinagoge, akatenda kunaShe naʋeimba yake yose; naʋazhinji ʋeKorinte ʋakanzwa, ʋakatenda, ʋakabapatidzwa. Ɀino Ishe akati kunaPauro ʋusiku neciratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara; nokuti ini ndinewe; hapanomunhu uŋgakumukira akakuitira ɀakaipa, nokuti ndinaʋanhu ʋazhinji muguta rino. Akagara’po gore rimŋe nemŋedzi mitanhatu, acidzidzisa shoko raMŋari pakati paʋo.