Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 18

18
Pauro paKorinte neEfeso. Akwira naPrisira.
1Shure kwaiɀoɀo, Pauro wakabva Atene, akaȿika Korinte; 2akawana mumŋe muJuda, wainzi Akwira, worudzi rwaʋePonto, acaŋgobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakaŋga araira kuti ʋaJuda ʋose ʋabve Roma); akaenda kwaʋari; 3ɀino ɀaakaŋga aneɓasa rimŋe naʋo, akagara naʋo ʋaciɓata; nokuti ɓasa raʋo raiʋa rokuita matente. 4Saɓata rimŋe nerimŋe akataurirana naʋo musinagoge, akaidza kugombedzera ʋaJuda naʋaGiriki.
5Ɀino Sirasi naTimotio ʋakati ʋacizoɓuruka ʋacibʋa Makedonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, acipupurira ʋaJuda kwaɀo kuti Jesu ndiye Kristu. 6Ɀino ʋakati ʋacimudziʋisa, nokumutuka, akazuza ŋguʋo dzake, akati kwaʋari: Ropa renyu ŋgariʋe pamsoro penyu; ndakacena, kubva ɀino ndicaenda kuʋahedeni. 7Akabva’po, akapinda mumba momumŋe, wainzi Tito Justo, wainamata Mŋari, imba yake yaiʋa pedyo nesinagoge. 8NaKrispo, mukuru wesinagoge, akatenda kunaShe naʋeimba yake yose; naʋazhinji ʋeKorinte ʋakanzwa, ʋakatenda, ʋakabapatidzwa. 9Ɀino Ishe akati kunaPauro ʋusiku neciratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara; 10nokuti ini ndinewe; hapanomunhu uŋgakumukira akakuitira ɀakaipa, nokuti ndinaʋanhu ʋazhinji muguta rino. 11Akagara’po gore rimŋe nemŋedzi mitanhatu, acidzidzisa shoko raMŋari pakati paʋo.
12Ɀino Gario wakati aʋa muɓati weAkaya, ʋaJuda ʋakamukira Pauro nomŋoyo mumŋe, ʋakaʋuya naye pacigaro cokutoŋga, 13ʋaciti: Uyu unogombedzera ʋanhu kuti ʋanamate Mŋari nenzira isiŋgatenderwi nomurairo. 14Ɀino Pauro wakati oɗa kushamisa muromo wake, Gario akati kuʋaJuda: Ƌai yaiʋa mhoȿa yeɀisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuʋa nomŋoyo murefu kwamuri, imi ʋaJuda. 15Asi kana dziri nharo pamsoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhoȿa iyo; ini handiɗi kuʋa mutoŋgi waiɀoɀo. 16Akaʋadziŋga pacigaro cokutoŋga. 17Ɀino ʋose ʋakaɓata Sosteni, mukuru wesinagoge, ʋakamuroʋa pamberi pecigaro cokutoŋga; asi Gario haana‐kuʋa nehanya necinhu cimŋe caiɀoɀo.
18Pauro wakati agara’po mazuʋa mazhinji, akawonekana nehama, akabva’po, akaenda Siria necikepe, anaPrisira naAkwira, aʋeʋura musoro wake paKenkrea, nokuti wakaŋga apika. 19Ʋakaȿika Efeso, akaʋasiya’po; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana naʋaJuda. 20Ɀino ʋakati ʋacikumbira kuti agare naʋo ŋguʋa refu, haana‐kutenda; 21asi wakawonekana naʋo, aciti: Ndicadzokera ɀe kwamuri, kana Mŋari aciɗa, akabva paEfeso necikepe. 22Wakati aȿika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaɓurukira Antiokia.
Rwendo rwecitatu rwaPauro. Aporo paEfeso.
23Wakati agara’po ŋguʋa, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia acidziteʋedzanisa, acisimbisa ʋadzidzi ʋose.
24Ɀino mumŋe muJuda wainzi Aporo, worudzi rwapaAreksandria, murume wakaŋga akadzidza ɀikuru, wakaȿika Efeso; wakaŋga anesimba pamagwaro. 25Uyu wakaŋga adzidziswa nzira yaShe, akashiŋgaira nomŋeya, acitaura nokunatso‐dzidzisa ɀaJesu, aciziʋa rubapatidzo rwaJohane ɓedzi. 26Iye akataŋga kutaura musinagoge asiŋgatyi. Ɀino Prisira naAkwira ʋakati ʋamunzwa, ʋakamutora, ʋakanatsomuɗudzira nzira yaMŋari. 27Ɀino wakati aciɗa kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, ʋakanyorera ʋadzidzi kuti ʋamugamucire. Ɀino wakati aȿika, akaɓatsira ɀikuru iʋo ʋakatenda nenyasha. 28Nokuti wakakunda ʋaJuda nesimba pacena, aciratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiye Kristu.

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda