Mabasa 18:1-11
Mabasa 18:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde. Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhiyo akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona, uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo. Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki. Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu. Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kune veDzimwe Ndudzi.” Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari. Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa. Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara. Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.” Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari.
Mabasa 18:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo, Pauro akabva Ateni, akasvika Korinde; akawana mumwe muJudha, ainzi Akwira, worudzi rwavePonto, achangobva Itariya, naPirisira mukadzi wake; (nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari; zvino zvaakanga ane basa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende. Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaedza kugombedzera vaJudha navaGiriki. Zvino Sirasi naTimoti vakati vachizoburuka vachibva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu. Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazunza nguo dzake, akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.” Akabvapo, akapinda mumba momumwe, ainzi Tito Jusuto, ainamata Mwari, imba yake yaiva pedyo nesinagoge. NaKirisipo, mukuru wesinagoge, akatenda kuna Ishe naveimba yake yose; navazhinji veKorinde vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa. Zvino Ishe akati kuna Pauro usiku nechiratidzo, “Usatya hako, asi taura, usanyarara; nokuti ini ndinewe; hapana munhu angakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.” Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
Mabasa 18:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure mezvo akabva kuAteni akaenda kuKorinde. Akawana mumwe muJudha ainzi Akwira, mugari wokuPondusi, akanga achangobva kuItari, nomudzimai wake anonzi Pirisira, nokuti Kiraudiusi akanga ati vaJudha vose ngavabve muRoma. Saka akaenda kundovaona pamusana pokuti vaiva vebasa rimwechetero akagara akashanda navo nokuti aiita basa rimwechetero navo rokugadzira matendhe. Pasabata rimwe nerimwe aitaura musinagogu achikurudzira vaJudha navaGiriki. Pakasvika Sirasi naTimoti vachibva kuMasedhonia, Pauro aiva mubasa rokuparidza, achipupura kuvaJudha, kuti Mesia ndiJesu. Pavakapokana naye vachimunyomba akazunza hanzu dzake akati kwavari, “Ropa renyu ngarikupfukirei! Ini mhosva handisisina. Kubvira iye zvino ndavakuenda kune vechirudzi.” Akabvapo akaenda kumba komumwe ainzi Titosi Jusitusi munhu aitya Mwari. Imba yake yaiva pedyo nesinagogu. Kirisipusi mukuru wapasinagogu akatenda muna Tenzi pamwechete nemhuri yake. Vazhinji vomuKorinde pavakanzwa Pauro vakatenda vakaombekwa. Nohumwe usiku Tenzi akataura kuna Pauro muchiratidzo achiti, “Usatye zvako. Iwe taura chete, usanyarare nokuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa zvokukuvadza nokuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.” Nezvo akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu achidzidzisa Shoko raMwari pakati pavo.
Mabasa 18:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo, Pauro wakabva Atene, akaȿika Korinte; akawana mumŋe muJuda, wainzi Akwira, worudzi rwaʋePonto, acaŋgobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakaŋga araira kuti ʋaJuda ʋose ʋabve Roma); akaenda kwaʋari; ɀino ɀaakaŋga aneɓasa rimŋe naʋo, akagara naʋo ʋaciɓata; nokuti ɓasa raʋo raiʋa rokuita matente. Saɓata rimŋe nerimŋe akataurirana naʋo musinagoge, akaidza kugombedzera ʋaJuda naʋaGiriki. Ɀino Sirasi naTimotio ʋakati ʋacizoɓuruka ʋacibʋa Makedonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, acipupurira ʋaJuda kwaɀo kuti Jesu ndiye Kristu. Ɀino ʋakati ʋacimudziʋisa, nokumutuka, akazuza ŋguʋo dzake, akati kwaʋari: Ropa renyu ŋgariʋe pamsoro penyu; ndakacena, kubva ɀino ndicaenda kuʋahedeni. Akabva’po, akapinda mumba momumŋe, wainzi Tito Justo, wainamata Mŋari, imba yake yaiʋa pedyo nesinagoge. NaKrispo, mukuru wesinagoge, akatenda kunaShe naʋeimba yake yose; naʋazhinji ʋeKorinte ʋakanzwa, ʋakatenda, ʋakabapatidzwa. Ɀino Ishe akati kunaPauro ʋusiku neciratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara; nokuti ini ndinewe; hapanomunhu uŋgakumukira akakuitira ɀakaipa, nokuti ndinaʋanhu ʋazhinji muguta rino. Akagara’po gore rimŋe nemŋedzi mitanhatu, acidzidzisa shoko raMŋari pakati paʋo.
Mabasa 18:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)