Mushure mezvo akabva kuAteni akaenda kuKorinde. Akawana mumwe muJudha ainzi Akwira, mugari wokuPondusi, akanga achangobva kuItari, nomudzimai wake anonzi Pirisira, nokuti Kiraudiusi akanga ati vaJudha vose ngavabve muRoma. Saka akaenda kundovaona pamusana pokuti vaiva vebasa rimwechetero akagara akashanda navo nokuti aiita basa rimwechetero navo rokugadzira matendhe. Pasabata rimwe nerimwe aitaura musinagogu achikurudzira vaJudha navaGiriki. Pakasvika Sirasi naTimoti vachibva kuMasedhonia, Pauro aiva mubasa rokuparidza, achipupura kuvaJudha, kuti Mesia ndiJesu. Pavakapokana naye vachimunyomba akazunza hanzu dzake akati kwavari, “Ropa renyu ngarikupfukirei! Ini mhosva handisisina. Kubvira iye zvino ndavakuenda kune vechirudzi.” Akabvapo akaenda kumba komumwe ainzi Titosi Jusitusi munhu aitya Mwari. Imba yake yaiva pedyo nesinagogu. Kirisipusi mukuru wapasinagogu akatenda muna Tenzi pamwechete nemhuri yake. Vazhinji vomuKorinde pavakanzwa Pauro vakatenda vakaombekwa. Nohumwe usiku Tenzi akataura kuna Pauro muchiratidzo achiti, “Usatye zvako. Iwe taura chete, usanyarare nokuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa zvokukuvadza nokuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.” Nezvo akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu achidzidzisa Shoko raMwari pakati pavo.
Verenga chikamu Mabasa 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 18:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo