II Samueri 23
23
1Ɀino ndiwo mashoko okupedzisira aDavidi:
Ɀanzi naDavidi mŋanakomana waJese,
Ɀanzi nomunhu wakakudzwa kwaɀo,
Naiye muzodzwa waMŋari waJakobo,
Muimbi weɀakanaka waIsraeri:
2Mŋeya waJehova wakataura mukati maŋgu,
Shoko rake rakaŋga riri parurimi rwaŋgu.
3Mŋari waIsraeri wakataura,
Ƌombo raIsraeri rakataura neni,
rikati:
Mumŋe ucaʋa’po, ucaɓata ʋanhu ɀakarurama,
Ucaɓata ʋushe acitya Mŋari;
4Ucaʋa seciedza camaŋgwanani,
kana zuʋa roɓuɗa,
Samaŋgwanani kana kusinamakore.
Kana ɓumhudza riciɓuɗa pavu
Kana mushana woɓuɗa mvura yapera kunaya.
5Ko imba yaŋgu haizakaɗaro kunaMŋari here?
Nokuti wakaita neni suŋgano isiŋgaperi,
Yakanatswa paɀinhu ɀose, yakasimba;
Nokuti ndiko kuponeswa kwaŋgu kwose, nokuɗa kwaŋgu kwose,
Ko haaŋgaɀikurisi here?
6Asi ʋose ʋasiŋgaɗi Mŋari ʋacafanana neminzwa inorashwa,
Nokuti haigoni kuɓatwa namaʋoko;
7Asi munhu unoigunɀa
Unofanira kutora rutare norwiriko rwepfumo;
Ipiswe kwaɀo panɀimbo yayo nomŋoto.
Mhare dzaDavidi.
8Ndiwo mazita emhare dzaDavidi: Joshebi‐bashebeti muTakemoni, mukuru waʋatariri; iye wakaŋga ari Adino muEzni, wakaʋuraya ʋanhu ʋanamazana masere neŋguʋa imŋe. 9Wakamuteʋera wakaŋga ari Ereazari mŋanakomana waDodai, mŋanakomana womuAhohi, mumŋe wemhare nhatu dzakaŋga dzinaDavidi, musi waʋakaʋamba ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana kuzorwa, ʋarume ʋaIsraeri ʋabva; 10iye akasimuka, akaɓaya ʋaFiristia kuȿikira ruʋoko rwake rwaneta, ruʋoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehova akaʋakundisa kwaɀo nomusi iwoyo, ʋanhu ʋakadzoka ʋacimuteʋera, kuzopamba kwoga. 11Wakamuteʋera wakaŋga ari Shama mŋanakomana waAgee, muHarari. ƲaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paRehi, pakaŋga paneɓindu renyemba; ʋanhu ʋakatiza ʋaFiristia. 12Asi iye wakamira pakati peɓindu, akarirwira, akaʋuraya ʋaFiristia; Jehova akaʋakundisa kwaɀo. 13Ɀino ʋatatu ʋaʋakuru ʋanamakumi matatu ʋakaɓuruka, ʋakaȿika kunaDavidi kuɓako reAdurami, neŋguʋa yokukohwa; ɓoka raʋaFiristia rakaŋga radzika matente pamupata weRefaimi. 14Ɀino neŋguʋa iyo Davidi wakaŋga ari munhare, ʋuye ʋarwi ʋaʋaFiristia ʋaiʋa paBeti‐rehemi neŋguʋa iyo. 15Davidi akapaŋga, akati: Haiwa! Ƌai mumŋe acindipa mvura yetsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ndinwe! 16Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yaʋaFiristia, ʋakandoteka mvura patsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ʋakaitora, ʋakaʋuya nayo kunaDavidi; asi iye wakaramba kuinwa, akaiɗururira kunaJehova. 17Akati: Haiȿa, Jehova, handiŋgaiti cinhu ici! Ndiŋganwa ropa raʋarume aʋa ʋakaenda ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo here? Naiɀoɀo akaramba kuinwa. Ndiɀo ɀakaitwa nemhare idzo. 18Abishai munuŋuna waJoabi, mŋanakomana waZeruya, wakaŋga ari mukuru waʋatatu aʋo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanhu ʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya, akaʋa nomukurumbira pakati paʋatatu aʋo. 19Iye wakarumbidzwa ɀikuru pakati paʋatatu aʋo; naiɀoɀo akaitwa mukuru waʋo, asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga. 20Benaya mŋanakomana waJehoiada, mŋanakomana wemhare yeKabzeeri, wakaŋga aita maɓasa makuru, iye wakaʋuraya ʋanakomana ʋaʋiri ʋaArieri waMoabi, akandoʋuraya ʋo shumba mukati mehuzha paŋguʋa yecando; 21akaʋuraya ʋo muEgipita, murume wakaŋga akanaka; muEgipita uyu wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake, asi iye wakaɓurukira kwaari akaɓata tȿimbo, akabvuta pfumo muruʋoko rwomuEgipita, akamuʋuraya nepfumo rake iro. 22Ɀinhu iɀi ɀakaitwa naBenaya mŋanakomana waJehoiada, wakaŋga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu. 23Iye wakaŋga acirumbidzwa kupfuʋura ʋanamakumi matatu, asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga. Davidi akamuita mutariri waʋarindi ʋake.
24Asaheri munuŋuna waJoabi wakaŋga ari mumŋe waʋanamakumi matatu, naErhanani mŋanakomana waDodo weBeti‐rehemi; 25naShama muHarodi, naErika muHarodi; 26naHerezi muParti, naIra mŋanakomana waIkeshi muTekoi; 27naAbiezeri muAnatoti, naMebunai muHushati; 28naZarmoni muAhohi, naMaharai muNetofati; 29naHerebi, mŋanakomana waBaana muNetofati, naItai mŋanakomana waRibai weGibea waʋana ʋaBenjamini; 30naBenaya muPiratoni, naHidai wehoʋa dzeGaashi; 31naAbi‐arboni muArbati, naAzmaveti muBarhumi; 32naEriaba muShaarboni, naJonatani kuʋana ʋaJasheni; 33naShama muHarari, naAhiami mŋanakomana waSharari muArari; 34naErifereti mŋanakomana waAhashbai, mŋanakomana womuMaakati, naEriami mŋanakomana waAhitoferi muGironi; 35naHezro muKarmeri, naParai muArbi; 36naIgari mŋanakomana waNatani weZoba, naBani muGadi; 37naZereki muAmoni, naNaharai muBeeroti, ʋaiɓata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabi mŋanakomana waZeruya; 38naIra muItri, naGarebi muItri; 39naUria muHiti: ʋose makumi matatu naʋanomŋe.
Zvasarudzwa nguva ino
II Samueri 23: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018