II Madzimambo 3
3
Jehova unoɓatsira ʋaIsraeri naʋaJuda kukunda ʋaMoabi.
1Ɀino Jehorami mŋanakomana waAhabi wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJuda, akaɓata ʋushe makore anegumi namaʋiri. 2Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, asi haana‐kuita saɓaɓa ʋake kana samai ʋake; nokuti wakabvisa shoŋgwe yaBaari yakaŋga yaitwa naɓaɓa ʋake. 3Kunyaŋge ɀakaɗaro, wakanamatira ɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo: haana‐kutsauka kwaɀiri.
4Ɀino Mesha mambo waMoabi wakaŋga ari mŋene wamakwai, waipa mambo waIsraeri makushe amakwaiana aneɀuru ɀinezana, naamakondobge aneɀuru ɀinezana. 5Asi Ahabi wakati afa, mambo waMoabi akamukira mambo waIsraeri. 6Mambo Jehorami akaɓuɗa paSamaria neŋguʋa iyo, akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose. 7Akatuma shoko kunaJehoshafati mambo waJuda, aciti: Mambo waMoabi wandimukira, ucaenda neni kundorwa naMoabi here? Iye akati: Ndicaenda; ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako, namabiza aŋgu samabiza ako. 8Iye akati: Ticaenda nenzira ipiko? Akati: Nenzira yokurenje raEdomi. 9Naiɀoɀo mambo waIsraeri akaenda, namambo waJuda, namambo waEdomi, ʋakapota ʋakafamba mazuʋa manomŋe, ʋakashaiwa mvura yokunwisa hondo neɀipfuwo ɀaʋakaŋga ʋanaɀo. 10Ipapo mambo waIsraeri akati: Haiwa! Jehova wakaɗana madzimambo awa matatu, kuti aʋaise mumaʋoko aʋaMoabi. 11Ɀino Jehoshafati akati: Hapanamuprofita waJehova pano, tibvunze Jehova naye here? Mumŋe waʋaranda ʋamambo waIsraeri akapindura, akati: Erisha mŋanakomana waShafati uri pano, iye wakaɗeya kusururidza mvura pamaʋoko aEria. 12Jehoshafati akati: Shoko raJehova riri kwaari. Ɀino mambo waIsraeri, naJehoshafati, namambo waEdomi ʋakaenda kwaari. 13Erisha akati kunamambo waIsraeri: Ndineiko nemi? Endai kuʋaprofita ʋaɓaɓa ʋenyu nokuʋaprofita ʋamai ʋenyu. Mambo waIsraeri akati kwaari: Kwete, nokuti Jehova ndiye wakaɗana madzimambo awa matatu, kuti aʋaise mumaʋoko aʋaMoabi. 14Erisha akati: NaJehova wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ɀirokwaɀo ɗai ndisaiʋa nehanya naJehoshafati mambo waJuda uri pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuʋonai imi. 15Asi ɀino ʋuyai kwandiri nomuridzi wembira. Ɀino muridzi wembira wakati aciridza, ruʋoko rwaJehova rukaʋuya pamsoro pake. 16Akati: Ɀanzi naJehova: Cerai makoroŋga mazhinji pamupata uyu. 17Nokuti ɀanzi naJehova: Hamuŋgaʋoni mhepo, hamuŋgaʋoni mvura; kunyaŋge ɀakaɗaro mupata uyu ucazadzwa nemvura; imi mucanwa, imi neɀipfuwo ɀenyu, neɀinotakura nhumbi dzenyu. 18Cinhu ici ciɗuku haco pamberi paJehova; asi iye ucaisa ʋo ʋaMoabi mumaʋoko enyu. 19Mucaparadza guta rimŋe nerimŋe rakasimbiswa, neguta rimŋe nerimŋe rakatsaurwa, mucatema muti mumŋe nomumŋe wakanaka, nokudziʋira matsime ose emvura, nokushatsa namabge munda mumŋe nomumŋe wakanaka. 20Ɀino fume maŋgwana, neŋguʋa yokuɓayira cipo, mvura ikaʋonekwa icibva nenzira yaEdomi, nyika ikazadzwa nemvura. 21Ɀino ʋaMoabi ʋose ʋakati ʋacinzwa kuti madzimambo akaŋga aȿika kuzorwa naʋo, ʋakaʋuŋgana, ʋose ʋakaŋga ʋacigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, naʋakaʋapfuʋura pamakore, ʋakandomira pamuganho. 22Ʋakamuka maŋgwanani, ʋakaʋona zuʋa ricipenya pamvura, ʋaMoabi ʋakaʋona mvura ʋari kure yakatȿuka seropa. 23Ʋakati: Iropa; ɀirokwaɀo madzimambo aparadzwa, ʋaʋurayana; naiɀoɀo ɀino, ʋaMoabi, endai mundopamba. 24Ɀino ʋakati ʋaciȿika pamisasa yaʋaIsraeri, ʋaIsraeri ʋakasimuka, ʋakaparadza ʋaMoabi, ʋakatiza pamberi paʋo; ʋakapinda munyika yaʋo ʋaciparadza ʋaMoabi. 25Ʋakaputsa maguta, mumŋe nomumŋe akakanda ibge rake pamunda mumŋe nomumŋe wakanaka, ikazara; ʋakadziʋira matsime ose emvura, ʋakatema miti yose yakanaka, kuȿikira ʋasiya mabge oga paKiri‐hareseti; ʋaposheri ʋamabge ʋakarikomba, ʋakariparadza. 26Ɀino mambo waMoabi wakati aciʋona kuti wakundwa pakurwa, akatora ʋarume ʋanamazana manomŋe ʋaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kunamambo waEdomi; asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni. 27Ipapo akatora mŋanakomana wake weɗaŋgwe, waifanira kumuteʋera paʋushe, akamuɓayira ciʋe cipiriso cinopiswa pamsoro poruȿiŋgo. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakabva kwaari, ʋakadzokera kunyika yaʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
II Madzimambo 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018