Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 4

4
Mafuta ecirikadzi.
1Ɀino mumŋe mukadzi waʋakadzi ʋaʋanakomana ʋaʋaprofita wakacema kunaErisha, akati: Muranda wenyu, murume waŋgu, wafa; munoziʋa kuti muranda wenyu wakaŋga acitya Jehova; ɀino uyo, waakaŋga atora cikwerete kwaari, waʋuya kuzotora ʋana ʋaŋgu ʋaʋiri kuzoʋa ʋaranda ʋake. 2Erisha akati kwaari: Ndiŋgakuɓatsira seiko? Ndiʋudze. Uneiko mumba mako? Iye akati: Murandakadzi wenyu haanecinhu mumba, asi hari inamafuta. 3Ipapo akati: Enda undokwereta kunaʋose ʋaugere naʋo midziyo isineciro; usakwereta mishoma. 4Ɀino upinde, iwe naʋana ʋako, ndokupfiga mukoʋa, uɗire mumidziyo iyo yose, ucigadzika yose yazara kurutiʋi. 5Naiɀoɀo akabva kwaari, akapfiga mukoʋa, iye naʋana ʋake ʋari mukati; iʋo ʋakamuȿitsa midziyo, akaɗira. 6Midziyo yakati yazara, akati kumŋanakomana wake: Ndipe ɀe mumŋe mudziyo. Iye akati kwaari: Hapacinomumŋe mudziyo; mafuta akaguma ʋo. 7Ipapo akandoʋudza munhu waMŋari, iye akati: Cienda undoteŋgesa mafuta, uripe cikwerete cako, urarame neɀakasara, iwe naʋanakomana ʋako.
Mŋana womukadzi weShunemi unoraramiswa naErisha.
8Ɀino mumŋe musi Erisha akapfuʋura napaShunemi, pakaŋga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya ɀokudya. Ɀino ŋguʋa dzose kana acipfuʋura napo, waitsaukira’ko kuzodya ɀokudya. 9Akati kumurume wake: Tarirai ɀino, ndinoʋona kuti uyu murume, unosipfuʋura nokwatiri, munhu mutȿene waMŋari. 10Ŋgatiʋake kamuri ɗuku pamsoro poruȿiŋgo, timuisire’mo mubeda, netafura, necigaro, necigadziko comŋenje; ɀino kana aciŋge aciʋuya kwatiri, agotsaukira’mo. 11Ɀino mumŋe musi akaȿika’po, akatsaukira kukamuri iyo ɗuku, akandoʋata’mo. 12Akati kunaGehazi muranda wake: Ƌana mukadzi uyu muShunemi. Wakati amuɗana, iye akamira pamberi pake. 13Akati kwaari: Citaura kwaari ɀino, uti: Tarirai, makaticeŋgeta ɀikuru kwaɀo, ɀino tiŋgakuitirei ʋo? Munoɗa kuti tikureʋerei kunamambo, kana kumukuru wehondo here? Iye akapindura, akati: Ndigere haŋgu ɀakanaka pakati paʋanhu ʋaŋgu. 14Akati: Ɀino tiŋgamuitireiko? Gehazi akapindura, akati: Ɀirokwaɀo haanomŋanakomana, nomurume wake wakwegura. 15Iye akati: Muɗane. Wakati amuɗana, iye akamira pamukoʋa. 16Akati: Neŋguʋa ino kana gore rapera, ucafuŋgatira mŋana. Iye akati: Kwete, ishe waŋgu, munhu waMŋari, regai kureʋa nhema kumurandakadzi wenyu. 17Mukadzi akaʋa nemimba, akapona mŋanakomana neŋguʋa iyo pakupera kwegore, seɀakaŋga ɀataura Erisha kwaari. 18Ɀino mŋana wakati akura, akaenda mumŋe musi kunaɓaɓa ʋake kuʋakohwi. 19Akati kunaɓaɓa ʋake: Musoro waŋgu, musoro waŋgu! Iʋo ʋakati kumuranda: Muɓereke uende naye kunamai ʋake. 20Iye akamutora, akamuisa kunamai ʋake, akagara pamabvi aʋo kuȿikira masikati makuru, akafa. 21Iʋo ʋakakwira, ʋakandomuradzika pamubeda womunhu waMŋari, ʋakamupfigira’mo, ʋakaɓuɗa. 22Akaɗana murume wake, akati: Nditumire ʋo mumŋe muranda nemboŋgoro imŋe, ndimhanyire kumunhu waMŋari, ndigodzoka ɀe. 23Iye akati: Unoɗa kuendireiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara kwomŋedzi, kana Saɓata. Iye akati: Haɀinemhoȿa. 24Ɀino akaisa cigaro pamboŋgoro, akati kumuranda wake: Uifambise, ipfuʋurire mberi; rega kundinonosa pakufamba, asi kana ndikakuʋudza. 25Naiɀoɀo akaenda, akaȿika kumunhu waMŋari pagomo reKarmeri. Munhu waMŋari wakati acimuʋona aciri kure, akati kunaGehazi muranda wake: Tarira hoyo mukadzi muShunemi. 26Mhanya hako ɀino undosoŋgana naye, uti kwaari: Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomŋana wakafara here? Iye akapindura, akati: Haiwa, takafara heɗu! 27Ɀino wakati aȿika kumunhu waMŋari pagomo, akaɓata tsoka dzake. Gehazi akasweɗera aciɗa kumusundira kure; asi munhu waMŋari akati: Murege hake, nokuti mŋeya wake uneshuŋgu mukati make. Asi Jehova wakandiʋanzira iɀoɀo, haana‐kundiʋudza. 28Ipapo iye akati: Ko ndakakumbira mŋanakomana kunashe waŋgu here? Ko handina‐kuti: Regai kundinyeŋgedzera here? 29Ipapo akati kunaGehazi: Ciɀisuŋga ciʋuno, uɓate tȿimbo yaŋgu muruʋoko rwako, uende; kana ukasoŋgana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumŋe akakukwazisa, usamuɗaʋira; ugondoisa tȿimbo yaŋgu pamsoro peciso comŋana. 30Ɀino mai ʋomŋana ʋakati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Akasimuka, akamuteʋera. 31Gehazi akaʋatuŋgamirira, akandoisa tȿimbo paciso comŋana, asi kwakaŋga kusino‐kutaura kana kunzwa. Naiɀoɀo akadzoka kuzosoŋgana naye, akati kwaari: Mŋana haana‐kupepuka. 32Erisha wakati apinda mumba akawana mŋana akafa, akaradzikwa pamubeda wake. 33Naiɀoɀo akapinda, akapfiga mukoʋa, iye ari mukati nomŋana, iʋo ʋaʋiri, akanyeŋgetera kunaJehova. 34Akakwira, akatsiʋama pamsoro pomŋana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaʋoko ake pamaʋoko ake; akatsiʋama pamsoro pake; nyama yomŋana ikadziya. 35Ɀino akadzoka, akafamba‐famba mumba kamŋe, akakwira ɀe, akatsiʋama pamsoro pake; mŋana akahotsira kanomŋe, mŋana ndokuȿinudza meso ake. 36Ipapo akaɗana Gehazi, akati: Ƌana mukadzi muShunemi. Akamuɗana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati: Simudza mŋanakomana wako. 37Ɀino iye akapinda, akaɀiwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mŋanakomana wake, akaɓuɗa.
Erisha unorapa muriʋo wakaŋga uciʋaʋa.
38Ɀino Erisha akaenda ɀe Girgari; nzara yakaŋga iri’po panyika; ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaŋga ʋagere pamberi pake, akati kumuranda wake: Gadza hari huru, uɓikire ʋanakomana ʋaʋaprofita ɀokudya. 39Ɀino mumŋe akaenda kusaŋgo kundotanha miriʋo, akawana muti unotanda, akatanha’po magake, akazadza ŋguʋo yake nawo, akaȿika akaacekera muhari yeɀokudya, nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaaziʋi. 40Ɀino ʋakapakurira ʋanhu kuti ʋadye. Iʋo ʋakati ʋodya ɀokudya, ʋakaɗanidzira, ʋakati: Munhu waMŋari, rufu ruri muhari. Ʋakasagona kuɀidya. 41Asi iye akati: Ʋuyai noʋupfu. Akabguɗira muhari, akati: Cipakurai henyu, ʋanhu ʋadye. Ɀino kwakaŋga kusinecinhu cakaipa muhari.
Erisha unowanza ɀiŋgwa.
42Ɀino mumŋe murume wakaȿika, acibva Baari‐sharisha, akaʋigira munhu waMŋari ɀokudya ɀeɀitȿa, ɀiŋgwa ɀebari ɀinamakumi maʋiri, nehura itȿa dzeɀiyo muhomo yake. Akati: Ipai ʋanhu, ʋadye. 43Muranda wake akati: Ndiŋgaisa iɀi pamberi paʋanhu ʋanezana seiko? Asi iye akati: Ipai ʋanhu, ʋadye, nokuti ɀanzi naJehova: Ʋacadya, ʋakasiya ɀimŋe. 44Naiɀoɀo akaɀiisa pamberi paʋo, ʋakadya, ʋakasiya ɀimŋe, seɀakataura shoko raJehova.

Zvasarudzwa nguva ino

II Madzimambo 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda