Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 2

2
Eria unokwira kuɗeŋga.
1Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika Jehova yaakaɗa kukwidza Eria nayo kuɗeŋga necinyampupuri, Eria akaenda naErisha ʋacibva Girgari. 2Eria akati kunaErisha: Iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma Beti‐eri. Erisha akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Naiɀoɀo ʋakaɓurukira Beti‐eri. 3Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋaiʋa paBeti‐eri, ʋakaȿika kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu. 4Eria akati kwaari: Erisha, iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma Jeriko. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Naiɀoɀo ʋakaȿika Jeriko. 5Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋaiʋa paJeriko, ʋakasweɗera kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu. 6Eria akati kwaari: Iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma kwaJoridani. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Iʋo ʋari ʋaʋiri ʋakapfuʋura haʋo. 7Ɀino ʋarume ʋanamakumi mashanu ʋaʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaenda ʋakandomira pakatarisana naʋo ʋari kure; iʋo ʋari ʋaʋiri ʋakamira paJoridani. 8Ipapo Eria akatora ŋguʋo yake, akaipeta, akaroʋa mvura, ikaparadzaniswa napakati, naiɀoɀo iʋo ʋaʋiri ʋakayambuka pakawoma. 9Ɀino ʋakati ʋayambuka, Eria akati kunaErisha: Kumbira candiŋgakuitira, ndicigere kubviswa kwauri. Erisha akati: Ndipei migoʋe miʋiri yomŋeya wenyu. 10Akati: Wakumbira cinhu cinogozha; asi kana ukandiʋona ndicibviswa kwauri, ucaitirwa iɀoɀo; asi kana usiŋgandiʋoni, hauŋgaitirwi iɀoɀo. 11Ɀino ʋakati ʋacifamba, ʋaciŋgotaurirana haʋo, ŋgoro yomŋoto namabiza omŋoto ɀikaȿika, ɀikaʋaparadzanisa iʋo ʋaʋiri; Eria akakwira kuɗeŋga necinyampupuri. 12Erisha akaɀiʋona, akaɗanidzira, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, ɓaɓa ʋaŋgu, ŋgoro yaIsraeri naʋataȿi ʋayo ʋamabiza! Akasazomuʋona ɀe; akaɓata ŋguʋo dzake akadzibvarura napakati. 13Akanoŋga jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJoridani; 14akatora jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akaroʋa mvura, akati: Jehova Mŋari waEria uripiko? Ɀino wakati aroʋa mvura, ikaparadzaniswa ʋo napakati, Erisha akayambuka. 15Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaŋga ʋari paJeriko pakatarisana naye, ʋakati ʋacimuʋona, ʋakati: Mŋeya waEria wogara pamsoro paErisha. Ʋakandosoŋgana naye, ʋakakotamira pasi pamberi pake. 16Ʋakati kwaari: Tarirai, isu ʋaranda ʋenyu, tinaʋarume ʋanamakumi mashanu ʋanesimba; iʋo ŋgaʋaende haʋo kundotȿaka tenzi wenyu, ɀimŋe Mŋeya waJehova wamukwidza, ukamukandira panerimŋe gomo, kana munomumŋe mupata. Iye akati: Regai henyu kuʋatuma. 17Asi iʋo ʋakati ʋamugombedzera, kuȿikira anyara, akati: Tumai henyu. Naiɀoɀo ʋakatuma ʋarume ʋanamakumi mashanu, ʋakatȿaka mazuʋa matatu, asi haʋana‐kumuwana. 18Ʋakadzokera ɀe kwaari aciri paJeriko, iye akati kwaʋari: Handina‐kukuʋudzai here, ndikati: Regai kuenda?
Erisha unorapa mʋura yeJeriko.
19Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaErisha: Tarirai henyu, nɀimbo yeguta yakanaka hayo, seɀamunoʋona, ishe weɗu, asi mvura yakaipa, nenyika haiɓereki ɀakanaka. 20Iye akati: Ndiʋigire ndiro itȿa, mugoisa munyu’mo. Ʋakamuʋigira iyo. 21Akaenda kucituɓu cemvura, akaɗira munyu imomo, akati: Ɀanzi naJehova: Ndarapa mvura iyi, hapacazobvi’po rufu, kana kusaɓereka. 22Naiɀoɀo mvura ikarapxa kuȿikira nhasi, seɀaakataura, iye Erisha.
Ʋana, ʋanoseka Erisha, ʋanoʋurawa namapere.
23Ɀino wakabva’po, akaenda Beti‐eri; akati acikwira nenzira, ɀikomana ɀikaɓuɗa muguta, ɀikamuseka, ɀikati kwaari: Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira! 24Iye akaceuka, akaʋaʋona, akaʋatuka nezita raJehova. Ipapo maperekadzi maʋiri akaɓuɗa muɗondo, akaparadza ʋana ʋanamakumi manna naʋaʋiri ʋaʋo. 25Akabva’po, akaenda kugomo reKarmeri, akabva’po, akadzokera Samaria.

Zvasarudzwa nguva ino

II Madzimambo 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda