II Madzimambo 1
1
Kurwara nokufa kwaAhazia mambo waIsraeri.
1Ɀino ʋaMoabi ʋakamukira ʋaIsraeri, shure kwokufa kwaAhabi. 2Ɀino Ahazia wakaŋga awira pasi napawindi yekamuri yake yokumsoro, yaiʋa paSamaria, akarwara, akatuma nhume, akati kwaʋari: Endai mundobvunza Baari‐zebubi, mŋari weEkroni, kana ndicapora pakurwara uku. 3Asi mutumŋa waJehova akati kunaEria muTishbi: Simuka, undosoŋgana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwaʋari: Asi hapanaMŋari here pakati paIsraeri, ɀamondobvunza Baari‐zebubi, mŋari weEkroni? 4Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Hauŋgaɓuruki ɀe pamubeda wawakwira, asi ɀirokwaɀo ucafa. Eria akabva. 5Ipapo nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwaʋari: Madzokereiko? 6Iʋo ʋakati kwaari: Mumŋe murume wakaʋuya akasoŋgana nesu, akati kwatiri: Endai, dzokerai kunamambo wakakutumai, muti kwaari: Ɀanzi naJehova: Asi hapanaMŋari here pakati paIsraeri, ɀawotuma ʋanhu kundobvunza Baari‐zebubi mŋari weEkroni? Naiɀoɀo hauŋgaɓuruki ɀe pamubeda wawakwira, asi ɀirokwaɀo ucafa. 7Akati kwaʋari: Murume, wakaʋuya akasoŋgana nemi, akakuʋudzai mashoko awo, wakaŋga akaɗiniko? 8Ʋakamupindura, ʋakati: Wakaŋga ari murume wakafuka ŋguʋo yemvere, akaɀisuŋga ciʋuno cake nebanhire reganda. Iye akati: Ndiye Eria muTishbi. 9Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru waʋarume ʋanamakumi mashanu, anaʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamsoro pegomo. Akati kwaari: Nhai munhu waMŋari, ɀanzi namambo: Ƃurukai. 10Eria akapindura, akati kumukuru waʋanamakumi mashanu: Kana ndiri munhu waMŋari, mŋoto ŋgauɓuruke kuɗeŋga, ukuparadze iwe naʋanhu ʋako ʋanamakumi mashanu. Ipapo mŋoto ukaɓuruka kuɗeŋga, ukamuparadza iye naʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. 11Akatuma ɀe kwaari mumŋe mukuru waʋanamakumi mashanu, anaʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari: Nhai munhu waMŋari, ɀanzi namambo: Kurumidzai muɓuruke. 12Eria akapindura, akati kwaʋari: Kana ndiri munhu waMŋari, mŋoto ŋgauɓuruke kuɗeŋga, ukuparadze iwe naʋanhu ʋako ʋanamakumi mashanu. Ipapo mŋoto waMŋari ukaɓuruka kuɗeŋga, ukamuparadza iye naʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. 13Akatuma ɀe mumŋe mukuru waʋanamakumi mashanu, wecitatu, anaʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. Ɀino iye mukuru waʋanamakumi mashanu, wecitatu, akakwira, akafugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari: Haiwa, munhu waMŋari, ʋupenyu bgaŋgu nobgaʋaranda ʋenyu aʋa ʋanamakumi mashanu, ŋgaciʋe cinhu cinokosha pamberi penyu. 14Tarirai, mŋoto wakaɓuruka kuɗeŋga, ukapisa ʋakuru ʋaʋiri ʋaʋanamakumi mashanu ʋokutaŋga naʋanhu ʋaʋo ʋanamakumi mashanu; naiɀoɀo ʋupenyu bgaŋgu ɀino ŋgaciʋe cinhu cinokosha pamberi penyu. 15Ipapo mutumŋa waJehova akati kunaEria: Ƃuruka naye, usamutya hako. Akasimuka, akaenda naye kunamambo. 16Akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ɀawakatuma nhume kundobvunza Baari‐zebubi, mŋari weEkroni, asi hapanaMŋari here pakati paIsraeri, wauŋgabvunza shoko rake? Naiɀoɀo hauŋgaɓuruki ɀe pamubeda wawakwira, asi ɀirokwaɀo ucafa. 17Naiɀoɀo akafa seshoko raJehova rakaŋga rarebga naEria. Jehorami akamuteʋera paʋushe, akataŋga kuɓata ʋushe pagore recipiri raJehorami mŋanakomana waJehoshafati mambo waJuda; nokuti iye wakaŋga asinomŋana. 18Mamŋe maɓasa aAhazia aakaɓata, haana‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
Zvasarudzwa nguva ino
II Madzimambo 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018