Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 9

9
Mambokadzi weSheba unoshanyira Soromoni.
1Ɀino mambokadzi weSheba wakati anzwa mbiri yaSoromoni, akaȿika Jerusarema kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, anaʋanhu ʋazhinji, namakamera aitakura ɀinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, neɀibge ɀinokosha; ɀino wakati aȿika kunaSoromoni, akataurirana naye pamsoro peɀose ɀiri mumŋoyo make. 2Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakunecinhu cakaŋga cakaʋanzirwa Soromoni, caakaŋga asiŋgagoni kumuʋudza. 3Ɀino mambokadzi weSheba wakati aʋona kuŋgwara kwaSoromoni, neimba yaakaʋaka, 4neɀokudya ɀakaŋga ɀiri patafura yake, nokugara kwaʋaranda ʋake, nokushumira kwaʋaɓatiri ʋake, neŋguʋo dzaʋo, naʋaɗiri ʋake neŋguʋo dzaʋo, necikwiriso cake caaikwira naco kuimba yaJehova, akapera mŋeya. 5Akati kunamambo: Guhu randakanzwa munyika yaŋgu ramashoko enyu nokuŋgwara kwenyu rakaŋga riri raɀokwaɗi. 6Asi handina‐kutenda mashoko aʋo, kuȿikira ndaʋuya, ndikaʋona nameso aŋgu; asi tarirai handina‐kuʋudzwa kunyaŋge hafu yoʋukuru bgokuŋgwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa. 7Ʋarume ʋenyu ʋanomufarwa, naʋaranda ʋenyu aʋa ʋanomufarwa, ʋanomira pamberi penyu ŋguʋa dzose ʋacinzwa kuŋgwara kwenyu. 8Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pacigaro cake coʋushe, muʋe mambo waJehova Mŋari wenyu; nokuti Mŋari wenyu wakaɗa Israeri, kuti aʋasimbise nokusiŋgaperi, saka wakakuitai mambo waʋo, kuti mutoŋge nokururamisa. 9Akapa mambo matarenta anezana namakumi maʋiri endarama,#9:9 Mari ineŋge £655,000. neɀinonhuwira ɀizhinji kwaɀo, neɀibge ɀinokosha; hakuna‐kumboʋa’po ɀinonhuwira ɀakawanda ɀikaɗai, ɀakafanana neɀakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weSheba. 10Naʋaranda ʋo ʋaHurami, naʋaranda ʋaSoromoni, iʋo ʋaiʋuya nendarama ʋacibva Ofiri, ʋakaʋuya ʋo nemiti yemiargumi neɀibge ɀinokosha. 11Mambo akaita namatanda emiargumi ɀikwiriso ɀeimba yaJehova, neɀeimba yamambo, nembira nemiteŋgeraŋwa ɀaʋaimbi; ɀakaɗai haɀina‐kumboʋonekwa panyika yaJuda. 12Mambo Soromoni akapa mambokadzi weSheba ɀose ɀaaiɗa neɀaakakumbira; ɀimŋe ɀaakaʋuya naɀo kunamambo ɀisiŋgaʋereŋgwi. Naiɀoɀo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye naʋaranda ʋake.
Fuma yaSoromoni nembiri yake.
13Ɀino ndarama yakaʋuyiswa kunaSoromoni gore rimŋe nerimŋe yakaȿika matarenta anamazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu#9:13 Mapaundi aneŋge 64,000. pakurema kwayo; 14ʋasiŋgaʋereŋgi iyo yakaʋuya naʋashambadziri naʋateŋgesi; namadzimambo ose eArabia naʋaɓati ʋenyika ʋakaʋuya nendarama nesirveri kunaSoromoni. 15Mambo Soromoni akaita nhoʋo huru dzinamazana maʋiri nendarama yakapambadzirwa; nhoʋo imŋe neimŋe yakaŋga yakaitwa namashekeri anamazana matatu endarama; 16akaita ʋo nhoʋo ɗuku dzinamazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakaȿika mashekeri anamazana matatu yakaiswa panhoʋo imŋe neimŋe; mambo akaɀiisa muimba yeɗondo reRebanoni. 17Mambo akaita ʋo cigaro cikuru coʋushe cenyaŋga dzenzou, akacifukidza nendarama yakaiȿo‐naka. 18Cigaro ico coʋushe cakaŋga cineɀikwiriso ɀitanhatu, necitsiko cendarama, ɀakaŋga ɀakaɓatanidzwa necigaro coʋushe, neɀitsigiro kunhiʋi mbiri dzecigaro, neshumba mbiri dzakaŋga dzimire kunhiʋi dzeɀitsigiro. 19Kwakaŋga kuneshumba gumi nembiri dzimire paɀikwiriso ɀitanhatu, mbiri‐mbiri kunhiʋi dzecimŋe necimŋe; hakuna‐kumboitwa cakaɗai kunoʋumŋe ʋushe. 20Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiʋa yendarama, nemidziyo yose yeimba yeɗondo reRebanoni yaiʋa yendarama yakaiȿo‐naka; sirveri yakaŋga icinzi hainomurimo pamazuʋa aSoromoni. 21Nokuti mambo wakaŋga aneɀikepe ɀaienda Tarshishi naʋaranda ʋaHurami; ɀikepe ɀeTarshishi ɀaiʋuya kamŋe cete pamakore matatu ɀinendarama, nesirveri, nenyaŋga dzenzou, netsoko namatendera. 22Naiɀoɀo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokucenjera. 23Madzimambo ose enyika aiʋuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kuŋgwara kwake, kwakaŋga kwaiswa naMŋari mumŋoyo make. 24Mumŋe nomumŋe waiʋuya necipo cake cemidziyo yesirveri, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, neɀinonhuwira, namabiza, namahesera, gore rimŋe nerimŋe. 25Soromoni wakaŋga aneɀidyiro ɀamabiza neŋgoro, ɀineɀuru ɀinna, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ɀaakaisa pamaguta eŋgoro, nokunamambo paJerusarema. 26Akaɓata ʋushe bgamadzimambo ose, kubva paRwizi kuȿikira panyika yaʋaFiristia, nokumuganho weEgipita. 27Mambo akaʋuŋganidza sirveri paJerusarema ikawanda ikaita samabge, nemisidari ikaita semiʋonde yaiʋa pamapani. 28Ʋakandotorera Soromoni mabiza paEgipita, nokunyika dzose.
Kufa kwaSoromoni.
29Ɀino mamŋe maɓasa aSoromoni, okutaŋga nookupedzisira, haana‐kunyorwa here pabuku yomuprofita Natani, napamashoko akaprofitiwa naAhiya muShironi, napaneɀakaʋonekwa nomuʋoni Ido pamsoro paJeroboami mŋanakomana waNebati? 30Soromoni akaɓata ʋushe bgaʋaIsraeri ʋose paJerusarema makore anamakumi manna. 31Ipapo Soromoni akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi ɓaɓa ʋake, Rehoboami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda