Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 4

4
Nhumbi dzetembere.
1Wakaita ʋo artari yendarira, kureɓa kwayo kwakaŋga kunamakubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgayo makubiti anamakumi maʋiri, nokukwirira kwayo anegumi. 2Akaita ʋo dziʋa rendarira yakanyauswa, rakaȿika makubiti anegumi paʋupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakaȿika makubiti mashanu; ʋuye pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti anamakumi matatu rwakaripoteredza. 3Pasi paro pakaŋga paneɀifananidzo ɀenzombe dzakaŋga dzicirikomberedza, ɀiciita gumi pakubiti rimŋe nerimŋe, ɀicipoteredza dziʋa. Nzombe dzakaita misara miʋiri, dzakaʋumbga pamŋe cete naro pakuʋumbga kwaro. 4Rakaŋga rimire pamsoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakaŋga dzakatarira kurutiʋi rwokumsoro, nhatu kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, nhatu kurutiʋi rwezasi, nenhatu kurutiʋi rwamabvazuʋa; dziʋa rakaŋga rakagadzwa pamsoro padzo, idzo dzakafuratirana. 5Ʋukobvu bgaro bgakaŋga bgakaita soʋupamhi bgecanza, nomuromo waro wakaŋga wakafanana nomuromo wembiya, seruʋa rehapa; mukati makaɗirwa ʋuye makariŋgana mabati aneɀuru ɀitatu. 6Akaita ʋo midziyo yokusukira inegumi, akaisa mishanu kurudyi nemishanu kuruɓoshwe, yokusukira’mo; ɀinhu ɀeɀipiriso, ɀaipiswa, ɀaisukirwa’mo; asi dziʋa rakaŋga riri raʋaprista rokushambidzira’mo. 7Akaita ʋo ɀigadziko ɀemŋenje ɀinegumi ɀendarama, seɀaakaŋga arairwa pamsoro paɀo; akaɀiisa patembere, ɀishanu kurudyi ʋuye ɀishanu kuruɓoshwe. 8Akaita ʋo tafura dzinegumi, akadziisa mutembere, shanu kurudyi ʋuye shanu kuruɓoshwe. Akaita midziyo yendarama inezana. 9Ʋuye wakaita ʋo ruʋazhe rwaʋaprista, noruʋazhe rukuru, nemikoʋa yoruʋazhe, akafukidza mikoʋa yarwo nendarira. 10Akaisa dziʋa kurutiʋi rworudyi rweimba kumabvazuʋa, kwakatarira zasi. 11Hurami akaita hari, nefoshoro, nembiya. Naiɀoɀo Hurami akapedza maɓasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehova; 12ɀaiti: Mbiru mbiri, nembiya, nemisoro miʋiri, yakaŋga iri pamisoro yembiru; nemimbure miʋiri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miʋiri yakaŋga iri pamisoro yembiru; 13namatamba anamazana manna emimbure miʋiri, misara miʋiri yamatamba pamumbure mumŋe nomumŋe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yakaŋga iri pamsoro pembiru; 14akaita ʋo ɀiŋgoro ɀinegumi, nemidziyo yokushambidzira pamsoro peɀiŋgoro; 15nedziʋa rimŋe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziʋa. 16Nehari ʋo, nefoshoro, neɀikokoʋonho ɀenyama, nenhumbi dzose dzayo, Hurami Abi wakaɀiitira mambo Soromoni nendarira inobginya, ɀiʋe ɀeimba yaJehova. 17Mambo akaɀiʋumba paɓani raJoridani, pakati peSukoti neZereda. 18Saiɀoɀo Soromoni akaita nhumbi dzose idzi dzakawanda kwaɀo; nokuti kurema kwendarira kwakaŋga kusiŋgayerwi. 19Soromoni akaita nhumbi dzose dzakaŋga dziri mumba maMŋari, neartari yendarira ʋo netafura pakaŋga paneɀiŋgwa ɀokuratidza; 20neɀigadziko ɀemŋenje nemŋenje yaɀo, kuti ipfute pamberi penɀimbo tȿene, seɀaʋakaŋga ʋarairwa, ɀiri ɀendarama; 21namaruʋa, nemŋenje, nembato, ɀendarama, iri ndarama yakanaka kwaɀo; 22nembato, nembiya, neɀiroŋgo, neɀaeŋga ɀomŋoto, ziri ɀendarama yakaiȿo‐naka; napaʋakapinda napo paimba, mikoʋa yomukati yayo yenɀimbo tȿene‐tȿene; nemikoʋa yeimba, iyo tembere, yakaŋga iri yendarama.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda