II Makoronike 5
5
1Saiɀoɀo maɓasa ose akaitirwa imba yaJehova naSoromoni akapera. Ɀino Soromoni akapinza ɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurirwa Jehova naɓaɓa ʋake Davidi, sirveri, nendarama, nenhumbi dzose, akadziisa muɀiʋigiro ɀeimba yaMŋari.
Tembere inotsaurirwa Jehova.
2Ɀino Soromoni akaʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋose ʋamarudzi, iwo macinda edzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, paJerusarema, akakwidza areka yesuŋgano yaJehova ibve paguta raDavidi, iro Zioni. 3Ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kunamambo pamutambo, wakaŋga uri pamŋedzi wecinomŋe. 4Ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaȿika, ʋaRevi ʋakasimudza areka. 5Ʋakakwira neareka, netente rokusoŋgana, nenhumbi dzose tȿene dzakaŋga dziri muTente; ʋaprista ʋaRevi ʋakakwira naiɀoɀo. 6Mambo Soromoni, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri yakaŋga yaʋuŋganira kwaari, ʋakafamba pamberi peareka, ʋakaɓayira makwai nenzombe, ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa nokuwanda kwaɀo. 7Ipapo ʋaprista ʋakagadzika areka yesuŋgano yaJehova panɀimbo yayo, panɀimbo tȿene yeimba, panɀimbo tȿene‐tȿene, ipo panyasi pamapapiro amakerubi. 8Nokuti makerubi akatambanudza mapapiro awo pamsoro penɀimbo yeareka, makerubi akafukidza areka namatanda ayo necokumsoro. 9Matanda akaŋga akareɓa; naiɀoɀo miromo yamatanda yakaŋga iciʋonekwa kana munhu ari paareka pamberi penɀimbo tȿene; asi akaŋga asiŋgaʋonekwi necokunze; ici’po kuȿikira nhasi. 10Mukati meareka makaŋga musisineciro, asi mahwendefa maʋiri akaŋga aiswa’mo naMosesi paHorebi, ŋguʋa Jehova yaakaita suŋgano nayo naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo paEgipita. 11Ɀino ʋaprista ʋakati ʋaɓuɗa panɀimbo tȿene, (nokuti ʋaprista ʋose, ʋakaŋga ʋari’po, ʋakaŋga ʋaɀinatsa, ʋasiŋgaiti namapoka aʋo; 12naʋaRevi ʋose ʋo, ʋaiʋa ʋaimbi, ʋose ʋaʋo, ʋaiti, Asafi, naHemani, naJedutuni, naʋanakomana ʋaʋo, naʋanuŋuna ʋaʋo, ʋakafuka miceka yakanaka kwaɀo, ʋanamakandira, nemiteŋgeranwa, nembira, ʋakamira kurutiʋi rwamabvazuʋa rweartari, ʋuye pamŋe cete naʋo ʋaprista ʋanezana namakumi maʋiri, ʋaciridza hwamanda;) 13ɀino ʋaridzi ʋehwamanda, naʋaimbi, ʋakati ʋaciita mawa, ʋaciita nenzwi rimŋe ʋacirumbidza nokuʋoŋga Jehova; ʋakati ʋaciimbisa pamŋe cete nehwamanda, namakandira, neɀokuridzisa naɀo, ʋacirumbidza Jehova, ʋaciti: Nokuti wakanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi; ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehova; 14naiɀoɀo ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira paɓasa nokuɗa kwegore; nokuti kubginya kwaJehova kwakazadza imba yaMŋari.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018