II Makoronike 3
3
Soromoni unoʋaka tembere yaJehova.
1Ipapo Soromoni akataŋga kuʋaka imba yaJehova paJerusarema pagomo reMoria, pakaŋga paɀiratidza Jehova kunaDavidi ɓaɓa ʋake, akagadzira ipapo pakaŋga parairwa naDavidi paɓuriro raOrnani muJebusi. 2Wakataŋga kuʋaka pazuʋa repiri romŋedzi wecipiri, negore recinna rokuɓata kwake ʋushe. 3Ɀino ndidzo nheyo dzakaʋambga naSoromoni pakuʋaka imba yaMŋari: kureɓa kwayo, kana ʋacienzanisa namakubiti#3:3 Kubiti kubva pagokora kuȿikira paminwe. akare, makubiti anamakumi matanhatu, noʋupamhi makubiti makumi maʋiri. 4Ƃiraʋira, raiʋa pamberi peimba, kureɓa kwaro kwakaŋga kwakafanana noʋupamhi bgeimba, makubiti makumi maʋiri, nokukwirira kwaro makubiti anezana namakumi maʋiri; akaifukidza necomukati nendarama yakaiȿo‐naka. 5Akafukidza imba huru namatanda omusipresi, akafukidzwa nendarama yakaiȿo‐naka, akaʋezera pamsoro pawo micindwe namaketani. 6Akashoŋgedza imba ʋukomba bgamabge anokosha; ndarama yakaŋga iri ndarama yeParvaimi. 7Akafukidza ʋo imba nendarama, namatanda ayo, neɀikumbaridzo ɀayo, namadziro ayo, namagonhi ayo; akaʋeza makerubi pamadziro. 8Akaʋaka ʋo imba tȿene‐tȿene; kureɓa kwayo kwakaŋga kwakafanana noʋupamhi bgeimba, makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgayo makubiti anamakumi maʋiri; akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka yakaȿika matarenta mazana matanhatu.#3:8 Mari ineŋge £3,276,000. 9Kurema kwembambo kwakaȿika mashekeri endarama anamakumi mashanu.#3:9 Mapaundi aneŋge maʋiri. Akafukidza makamuri okumsoro nendarama. 10Paimba tȿene‐tȿene akaita makerubi maʋiri ɀiri ɀifananidzo ɀakaʋezwa; akaafukidza nendarama. 11Mapapiro amakerubi akaȿika makubiti anamakumi maʋiri pakureɓa kwawo; ɓapiro rerimŋe rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciȿika kumadziro eimba; nerimŋe ɓapiro ʋo rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciȿika kuɓapiro rerimŋe kerubi. 12Neɓapiro rerimŋe kerubi rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciȿika kumadziro eimba; nerimŋe ɓapiro ʋo rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciɓatana neɓapiro rerimŋe kerubi. 13Mapapiro amakerubi awa akaŋga akatambanudzwa, akaȿika makubiti makumi maʋiri; akaŋga amire namakumbo awo, ɀiso ɀawo ɀakariŋgira kumba. 14Akaita ʋo cidzitiro neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka; akasonera’po makerubi. 15Akaita ʋo pamberi peimba mbiru mbiri; kukwirira kwadzo kwakaȿika makubiti anamakumi matatu namashanu, nomusoro wakaŋga uri pamsoro peimŋe neimŋe wakaȿika makubiti mashanu. 16Akaita ʋo maketani panɀimbo tȿene, akaaisa pamisoro yembiru; akaita matamba anezana, akaaisa pamaketani. 17Akamisa mbiru mbiri pamberi petembere, imŋe kurudyi, imŋe kuruɓoshwe; yokurudyi akaitumidza zita rinonzi Jakini, neyokuruɓoshwe akaitumidza Boazi.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018