Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 2

2
Soromoni unogadzira ɀose kuti tembere iʋakwe.
1Ɀino Soromoni wakaɗa kuʋakira zita raJehova imba, neimba yoʋushe bgake. 2Soromoni akaʋereŋga ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe kuzotakura mitoro, naʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi masere kuzotema matanda pamakomo, naʋaneɀuru ɀitatu namazana matanhatu kuzoʋa ʋatariri ʋaʋo. 3Soromoni akatuma shoko kunaHurami mambo weTire, akati: Seɀamakaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi, mukaʋatumira misidari yokuɀiʋakira nayo imba yokugara’mo, mundiitire ʋo saiɀoɀo. 4Tarirai, ndoʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka, nokuisa’po ɀiŋgwa ɀokuratidza ɀeŋguʋa dzose neɀipiriso ɀinopiswa maŋgwanani namaɗekwana, pamasaɓata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa naJehova Mŋari weɗu. Ndiɀo ɀakarairwa ʋaIsraeri nokusiŋgaperi. 5Imba yandinoʋaka ihuru; nokuti Mŋari weɗu mukuru kupfuʋura ʋamŋari ʋose. 6Asi ndianiko unogona kumuʋakira imba, ɗeŋga nokuɗeŋga‐ɗeŋga ɀarisiŋgagoni kumuriŋgana? Ɀino ini ndini aniko, kuti ndimuʋakire imba, asi kuŋgopisa ɀinonhuwira pamberi pake? 7Naiɀoɀo ɀino cinditumirai murume wakaŋgwara pakuɓata maɓasa endarama, nesirveri, nendarira, namatare, nemiceka mishaʋa, nemitȿuku, nemitema, ʋuye unoziʋa kuʋeza ɀose, aɓate pamŋe cete naʋarume ʋakaŋgwara ʋandinaʋo paJuda napaJerusarema, ʋakaiswa’po naɓaɓa ʋaŋgu Davidi. 8Nditumirei ʋo misidari, nemisipresi, namatanda emiarmugi yapaRibanoni; nokuti ndinoziʋa kuti ʋaranda ʋenyu ʋanenjere dzokutema matanda paRibanoni; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacaʋa naʋaranda ʋenyu, 9kundigadzirira matanda akawanda; nokuti imba yandobva ndoʋaka icaʋa huru ɀinoshamisa. 10Tarirai, ndicapa ʋaranda ʋenyu, iʋo ʋanotema matanda, ɀiyero ɀineɀuru ɀamakumi maʋiri#2:10 Ciyero cimŋe masaga aneŋge 3½. ɀeɀiyo, neɀiyero ɀineɀuru ɀamakumi maʋiri ɀebari, namabati#2:10 Bati rimŋe magaroni aneŋge 9. aneɀuru ɀamakumi maʋiri ewaini, namabati aneɀuru ɀamakumi maʋiri amafuta. 11Ipapo Hurami mambo weTire akapindura norunyoro rwaakatuma kunaSoromoni, akati: Jehova wakaɗa ʋanhu ʋake, saka wakakuita mambo waʋo. 12Hurami akati ʋo: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakasika kuɗeŋga napasi, wakapa mambo Davidi mŋanakomana wakaŋgwara, wakapiwa kuŋgwara nokuziʋa, kuʋakira Jehova imba neimba yoʋushe bgake. 13Ɀino ndatuma munhu wakacenjera, wakapiwa ziʋo, iye Hurami Abi, 14mŋanakomana womukadzi pakati paʋakunda ʋaDani, ɓaɓa ʋake waiʋa munhu weTire, unoziʋa kuɓata maɓasa endarama, nesirveri, nendarira, namatare, namabge, namatanda, nemiceka mishaʋa, nemitema, nemiceka yakaiȿo‐naka, nemiceka mitȿuku; ʋuye kuʋeza kwose, nokufuŋga mano ose; iye ŋgaapiwe ʋugaro pakati paʋarume ʋenyu ʋakacenjera, naʋarume ʋakacenjera ʋashe waŋgu Davidi ɓaɓa ʋenyu. 15Naiɀoɀo ɀino ishe waŋgu ŋgaatumire ʋaranda ʋake ɀiyo, nebari, namafuta newaini, seɀaakataura; 16isu ticatema matanda paRebanoni seɀamunoɗa; ticaaȿitsa kwamuri akaɓatanidzwa, aende Jopa neguŋgwa; imi mugokwira nawo Jerusarema. 17Ipapo Soromoni akaʋereŋga ʋatorwa ʋose ʋaiʋa panyika yaIsraeri, seɀaʋakaŋga ʋaʋereŋgwa naDavidi ɓaɓa ʋake, ʋakaȿika ɀuru ɀinezana namakumi mashanu neɀitatu namazana matanhatu. 18Akaira ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋaʋe ʋatakuri ʋemitoro, naʋaneɀuru ɀinamakumi masere ʋateme matanda pamakomo, ʋuye ʋaneɀuru ɀitatu namazana matanhatu ʋaʋe ʋatariri kuzoraira ʋanhu pakuɓata.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda