Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 1

1
Soromoni unokumbira njere kunaMŋari.
1Ɀino Soromoni mŋanakomana waDavidi wakasimbiswa paʋushe bgake, Jehova Mŋari wake akaʋa naye, akamukurisa ɀikuru kwaɀo. 2Ɀino Soromoni akataura naʋaIsraeri ʋose, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, naʋatoŋgi, namacinda ose pakati paIsraeri ʋose, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa. 3Ipapo Soromoni neʋuŋgano yose pamŋe cete naye ʋakaenda kuɗunhu rakakwirira raiʋa paGibeoni; nokuti ndipo pakaŋga panetente rokusoŋgana raMŋari, rakaŋga raʋakwa murenje naMosesi muranda waJehova. 4Asi Davidi wakaŋga atora areka yaMŋari paKiriati‐jearimi, akaiisa panɀimbo, Davidi yaakaŋga aigadzirira; nokuti wakaŋga aidzikira tente paJerusarema. 5Neareka yendarira yakaŋga yaʋumbga naBezareri mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, yakaŋga iri’po pamberi petabernakeri yaJehova; Soromoni neʋuŋgano yose ʋakairaŋgarira. 6Soromoni akakwira’ko pamberi paJehova kuartari yendarira, yakaŋga iri patente rokusoŋgana, akaɓayira pamsoro payo ɀipiriso ɀinopiswa ɀinecuru cezana.
7Ɀino noʋusiku ubgo Mŋari akaɀiratidza kunaSoromoni, akati kwaari: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. 8Soromoni akati kunaMŋari: Makaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panɀimbo yaʋo. 9Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakapikira Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ŋgarisimbiswe; nokuti makandiita mambo waʋanhu ʋakafanana neguruʋa renyika pakuwanda kwaʋo. 10Ɀino ndipei henyu njere nokuziʋa, kuti ndiɓuɗe nokupinda pamberi paʋanhu aʋa; nokuti ndiani uŋgagona kutoŋga ʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda ʋakaɗai? 11Mŋari akati kunaSoromoni: Ɀawaraŋgarira cinhu ici mumŋoyo mako, ukasakumbira fuma, neɀakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwaʋaʋeŋgi ʋako, kana kukumbira ʋupenyu ʋurefu, asi wakaɀikumbirira njere nokuziʋa, kuti ugone kutoŋga ʋanhu ʋaŋgu, ʋandakakuita mambo waʋo; 12ɀino njere nokuziʋa unoɀipiwa iwe; ʋuye ndicakupa fuma, neɀakawanda, nokukudzwa, ɀisina‐kumbopiwa mumŋe wamadziɓaɓa akakutaŋgira; ʋuye hapanomumŋe ucakuteʋera ucaʋa neɀakaɗai. 13Ɀino Soromoni akabva panɀimba yakakwirira yakaŋga iri paGibeoni, pamberi petente rokusoŋgana, akaȿika Jerusarema, akaɓata ʋushe bgaIsraeri.
Fuma yaSoromoni.
14Soromoni akaʋuŋganidza ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza; wakaŋga aneŋgoro dzinecuru cimŋe namazana manna, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋaakaisa mumaguta eŋgoro nokunamambo paJerusarema. 15Mambo akaʋuŋganidza sirveri nendarama paJerusarema ɀikawanda ɀikaita samabge, nemisidari ikaita semiʋonde yaiʋa pamapani. 16Mabiza aSoromoni aaiʋa nawo, aibva Egipita; ʋateŋgesi ʋamambo ʋaindoatora’ko ʋaciita mapoka‐mapoka, ɓoka rimŋe nerimŋe rinomuteŋgo waro. 17Ʋakandoɀitora Egipita, ʋakaʋuya naɀo, ŋgoro imŋe neimŋe iciteŋgwa namashekeri esirveri anamazana matanhatu,#1:17 Mari ineŋge £75. nebiza rimŋe nerimŋe namashekeri anezana namakumi mashanu;#1:17 Mari ineŋge £20. saiɀoɀo ʋo madzimambo ose aʋaHiti, namadzimambo aʋaSiria aiʋigirwa iɀoɀo naʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda