Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 32:24-33

II Makoronike 32:24-33 SUB1949

Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia akarwara, kuȿikira pakufa; akanyeŋgetera kunaJehova, iye akataura naye, akamupa ciratidzo. Asi cinhu ico cakanaka caakaitirwa, Hezekia haana‐kuciripira ɀakanaka, nokuti mŋoyo wake wakaɀikudza, Jehova akamutsamŋira iye, naJuda neJerusarema. Asi Hezekia wakazoɀininipisa pamsoro pokuɀikudza kwomŋoyo wake, iye naʋakaŋga ʋagere Jerusarema, saka kutsamŋa kwaJehova hakuna‐kuʋaʋiŋga pamazuʋa aHezekia. Hezekia wakaŋga anefuma zhinji nokukudzwa, akaɀiitira ɀiʋigiro ɀefuma yesirveri, neyendarama, neyeɀibge ɀinokosha, neyeɀinonhuwira, neyenhoʋo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose; namatura eɀiyo ɀakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namataŋga eɀipfuwo ɀamarudzi ose, neɀirugu ɀamakwai. Wakaɀiwanira ʋo maguta, nefuma yamakwai neŋombe zhinji; nokuti Mŋari wakaŋga amupa fuma zhinji kwaɀo. Ndiye Hezekia ʋo wakadziʋira tsime rokumsoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta raDavidi. Hezekia akakunda pamaɓasa ake ose. Asi pashoko renhume dzamacinda eBabironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamsoro pecishamiso cakaŋga caitwa panyika, Mŋari wakamusiya, kuti amuidze, kuti aziʋe ɀose ɀiri mumŋoyo make. Ɀino mamŋe maɓasa aHezekia, neɀakanaka ɀaakaɓata, tarirai, ɀakanyorwa paneɀakaʋonekwa nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi, mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri. Hezekia akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kumukwidzwa unoenda kumarinda aʋanakomana ʋaDavidi; ʋaJuda ʋose naʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakamukudza pakufa kwake. Mŋanakomana wake Manase akamuteʋera paʋushe.