2 Makoronike 32:24-33
2 Makoronike 32:24-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamazuva iwayo Hezekia akarwara akasvika pakuda kufa. Akanyengetera kuna Jehovha iye akamupindura akamupa chiratidzo chechishamiso. Asi mwoyo waHezekia wakazvikudza uye haana kugamuchira tsitsi dzaakanga aratidzwa. Saka hasha dzaJehovha dzakava pamusoro pake napamusoro peJudha neJerusarema. Ipapo Hezekia akatendeuka kubva mukuzvikudza kwomwoyo wake, sezvakaitawo vanhu veJerusarema, naizvozvo hasha dzaMwari hadzina kuuya kwavari pamazuva aHezekia. Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuhwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose. Akavakawo matura okuchengetera zviyo zvaaikohwa, waini itsva, namafuta; uye akavaka matanga emombe dzamarudzi akasiyana-siyana namatanga amakwai. Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda. Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita. Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make. Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga kwake zvakanyorwa muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri. Hezekia akazorora namadzibaba ake akavigwa pachikomo pane makuva ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Judha yose navanhu veJerusarema vakamuremekedza paakafa. Uye mwanakomana wake Manase akamutevera paumambo.
2 Makoronike 32:24-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa; akanyengetera kuna Jehovha, iye akataura naye, akamupa chiratidzo. Asi chinhu icho chakanaka chaakaitirwa, Hezekia haana kuchiripira zvakanaka, nokuti mwoyo wake akazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusaremu. Asi Hezekia akazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomwoyo wake, iye navakanga vagere Jerusaremu, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekia. Hezekia akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvepfuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuwira, neyenhoo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose; namatura ezviyo yakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namatanga ezvipfuwo zvamarudzi ose, nezvirugu zvamakwai. Wakazviwanirawo maguta, nepfuma yamakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari akanga amupa pfuma zhinji kwazvo. Ndiye Hezekiawo akadzivira tsime rokumusoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutivi rwamavirazuva rweguta raDhavhidhi. Hezekia akakunda pamabasa ake ose. Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuedze, kuti azive zvose zviri mumwoyo make. Zvino mamwe mabasa aHezekia, nezvakanaka zvaakabata, tarirai, zvakanyorwa pane zvakaonekwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri. Hezekia akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akamutevera paushe.
2 Makoronike 32:24-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Namazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuda kufa. Akanamata kuna muTenzi. Iye akamupindura nechiratidzo. Asi Hezekiya haana kutirimuka kutendawo zvakanaka zvaakanga aitirwa nokuti akanga ava nemwoyo wokuzvikudza. Naizvozvo Mwari akamushatirirwa iye nenyika yokwaJudha neJerusaremu. Asi Hezekiya, pakuzvikudza kwake kuye akazozvidukupisa pamwechete navagari vomuJerusaremu zvokuti Tenzi haanawo kuzovavirukira nehasha pamazuva oupenyu hwaHezekiya. Hezekiya aiva noupfumi hwakawanda kwazvo achiremekedzwa zvikuru kwazvo. Akazvigadzirira dzimba dzokuchengetera upfumi hwesirivha nendarama nematombo akakosha nemetunonhuwirira nemenhoo nememhando nemhando dzemidziyo yakakosha namaturawo embesanwa dzinenge dzabva muminda nemokuchengetera waini namafuta eorivhi namatanga okuchengetera zvipfuwo zvemhando nemhando dzakasiyana nezvirugu zvehwai. Akazvigadzirirawo maguta akava nezvipfuwo nemombe dzakawanda kwazvo nokuti Mwari akanga amupa upfumi hwakawanda. Hezekiya wakareyu ndiyezve akadzivirira mvura yokuGihoni paye payaibuda napo nechokumusoro, akaiendisa kumadokero kweGuta raDhavhidhi. Hezekiya akabudirira kwazvo pamabasa ake ose. Panyaya yenhumwa dzamakurukota okuBhabhironi vaiva vatumwa kwaari kuzonzwa nezvechiratidzo chakanga chaitika munyika imomo, Mwari akambomusiya kuti azvionere achimuedza kuti aone chaizvoizvo kuti munhu ane mwoyo wakadii. Inga dzimwe nyaya dzezvaHezekiya nezviito zvake zvakanaka zvakanyorwa wani mune zvakazarurirwa muporofita Isaya mwanakomana waAmozi zviri muBhuku reMadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri. Hezekiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Vakamuviga pamukwidza pane makuva evanakomana vokwaDhavhidhi. Parufu rwake, vokwaJudha vose navagari vomuJerusaremu vakamuviga zvine chiremera. Mwanakomana wake Manase ndiye akazotonga panzvimbo yake.
2 Makoronike 32:24-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia akarwara, kuȿikira pakufa; akanyeŋgetera kunaJehova, iye akataura naye, akamupa ciratidzo. Asi cinhu ico cakanaka caakaitirwa, Hezekia haana‐kuciripira ɀakanaka, nokuti mŋoyo wake wakaɀikudza, Jehova akamutsamŋira iye, naJuda neJerusarema. Asi Hezekia wakazoɀininipisa pamsoro pokuɀikudza kwomŋoyo wake, iye naʋakaŋga ʋagere Jerusarema, saka kutsamŋa kwaJehova hakuna‐kuʋaʋiŋga pamazuʋa aHezekia. Hezekia wakaŋga anefuma zhinji nokukudzwa, akaɀiitira ɀiʋigiro ɀefuma yesirveri, neyendarama, neyeɀibge ɀinokosha, neyeɀinonhuwira, neyenhoʋo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose; namatura eɀiyo ɀakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namataŋga eɀipfuwo ɀamarudzi ose, neɀirugu ɀamakwai. Wakaɀiwanira ʋo maguta, nefuma yamakwai neŋombe zhinji; nokuti Mŋari wakaŋga amupa fuma zhinji kwaɀo. Ndiye Hezekia ʋo wakadziʋira tsime rokumsoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta raDavidi. Hezekia akakunda pamaɓasa ake ose. Asi pashoko renhume dzamacinda eBabironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamsoro pecishamiso cakaŋga caitwa panyika, Mŋari wakamusiya, kuti amuidze, kuti aziʋe ɀose ɀiri mumŋoyo make. Ɀino mamŋe maɓasa aHezekia, neɀakanaka ɀaakaɓata, tarirai, ɀakanyorwa paneɀakaʋonekwa nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi, mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri. Hezekia akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kumukwidzwa unoenda kumarinda aʋanakomana ʋaDavidi; ʋaJuda ʋose naʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakamukudza pakufa kwake. Mŋanakomana wake Manase akamuteʋera paʋushe.
2 Makoronike 32:24-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)