Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa; akanyengetera kuna Jehovha, iye akataura naye, akamupa chiratidzo. Asi chinhu icho chakanaka chaakaitirwa, Hezekia haana kuchiripira zvakanaka, nokuti mwoyo wake akazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusaremu. Asi Hezekia akazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomwoyo wake, iye navakanga vagere Jerusaremu, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekia.
Hezekia akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvepfuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuwira, neyenhoo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose; namatura ezviyo yakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namatanga ezvipfuwo zvamarudzi ose, nezvirugu zvamakwai. Wakazviwanirawo maguta, nepfuma yamakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari akanga amupa pfuma zhinji kwazvo. Ndiye Hezekiawo akadzivira tsime rokumusoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutivi rwamavirazuva rweguta raDhavhidhi. Hezekia akakunda pamabasa ake ose. Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuedze, kuti azive zvose zviri mumwoyo make.
Zvino mamwe mabasa aHezekia, nezvakanaka zvaakabata, tarirai, zvakanyorwa pane zvakaonekwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri. Hezekia akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akamutevera paushe.