Ɀino makati moʋona Nahashi, mambo waʋana ʋaAmoni, aciʋuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri: Kwete, tinofanira kuɓatwa nesu ʋo namambo, kunyaŋge Jehova Mŋari wenyu wakaŋga ari mambo wenyu. Naiɀoɀo ɀino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehova wakakugadzirai mambo. Kana mukatya Jehova, mukamushumira, mukaterera inzwi rake, mukasaramba murairo waJehova, mukateʋera Jehova Mŋari wenyu, imi naiye mambo unokuɓatai, mucafara henyu; asi kana musiŋgatereri inzwi raJehova, mukaramba murairo waJehova, ruʋoko rwaJehova rucarwa nemi, seɀarwakarwa namadziɓaɓa enyu. Naiɀoɀo ɀino rambai mumire, muʋone cinhu ici cikuru cicaitwa naJehova pamberi pameso enyu. Hakuzi kucekwa kweɀiyo nhasi here? Ndicaɗana kunaJehova, kuti atume kutinhira nemvura, imi muziʋe muʋone kuti makatadza kwaɀo pamberi paJehova, ɀamakaɀikumbirira mambo. Naiɀoɀo Samueri akaɗana kunaJehova, Jehova akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; ʋanhu ʋose ʋakatya Jehova naSamueri kwaɀo. Ipapo ʋanhu ʋose ʋakati kunaSamueri: nyeŋgetererai henyu ʋaranda ʋenyu kunaJehova Mŋari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera paɀiʋi ɀeɗu ɀose cinhu ici cakaipa, kuti takaɀikumbirira mambo. Samueri akati kuʋanhu: Musatya henyu; makaita henyu ɀakaipa iɀi ɀose, asi regai kutsauka pakuteʋera Jehova, asi shumirai Jehova nemŋoyo yenyu yose; musatsauka, nokuti kana mukaɗaro, mucateʋera ɀinhu ɀisinamaturo, ɀisiŋgaɓatsiri kana kurwira, nokuti haɀinamaturo. Nokuti Jehova haaŋgasiyi ʋanhu ʋake nokuɗa kwezita rake guru, nokuti Jehova wakafara naɀo kukuitai imi ʋanhu ʋake. Kana ndirini, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi, asi ndicakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama. Asi ityai Jehova, mumushumire neɀokwaɗi nemŋoyo yenyu yose, nokuti raŋgarirai ɀinhu ɀikuru ɀaakakuitirai.