Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 12:12-24

1 Samueri 12:12-24 SNA2002

Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, ‘Kwete, tinofanira kubatwa nesuo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakanga ari mambo wenyu.’ “Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo. Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera izwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu; asi kana musingateereri izwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu. “Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu. Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.” Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo. Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo.” Samueri akati kuvanhu, “Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yose; musatsauka, nokuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nokuti hazvina maturo. Nokuti Jehovha haangasiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imi vanhu vake. Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama. Asi ityai Jehovha, mumushumire nezvokwadi nemwoyo yenyu yose, nokuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.