Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 12:12-24

1 Samueri 12:12-24 SCLB

Asi pamakaona kuti Nahashi, mambo wevaAmoni auya kuzokurwisai makanditi, ‘Chatava kuda apa kutongwawo namambo, hapana chimwe,’ asi Tenzi ari iye mambo wenyu. “Zvino mambo wamakada ndiyeyu, wamakakumbira. Chionaika Tenzi agadza mambo wokukutongai. Kana mukatya Tenzi muchimunamata nokumuteerera musingarambe kuchengeta mitemo yaTenzi, kana imi mose namambo anokutongai mukati kwati naTenzi Mwari wenyu, zvichakunakirai. Asi kana mukarega kuteerera Tenzi, moramba zvenyu kuchengeta mitemo yaiye Tenzi, iye Tenzi noruoko rwake achakurangai neshamhu yake sezvaakaita madzibaba enyu. Zvino chimbomirai zvenyu muone chimwe chinhu chikuru chichaitwa naTenzi imi muchiona. Handiti iye zvino chirimo ichi nguva yokukohwa koroni? Ndichakumbira Tenzi kuti anayise mvura ine mabhanan'ana. Ndopamuchaziva mugoonawo kuti makaita chinhu chakaipa kwazvo pana Tenzi zvamakakumbira kuti munodawo mambo wenyu pachenyu.” Samueri akabva anamata kuna Tenzi. Tenzi ndokunayisa mvura ine mabhanan'ana zuva rakarero. Vanhu vose vakatya Tenzi naSamueri zvikuru kwazvo. Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Tinamatireiwo isu varanda venyu kuna Tenzi Mwari wenyu kuti tirege kufa nokuti nokuzvikumbirira kwatakaita mambo isu takatopamhidzira uipi pane zvimwe zvitadzo zvedu zvose.” Samueri akati kuvanhu, “Chiregai kunge muchatya. Kutadza kwose uku makatotadza kare. Asi chavapo ndechichi, chiregai kunge muchatsaukana naTenzi. Chinamatai Tenzi nomwoyo wenyu wose, murege kutsauka nokuti kudaro kutevera zvifananidzo zvisina maturo, zvisingabatsire, zvisinganunure nokuti hazvina kana chazvinazvo mazviri. Chandinodariro ndechichi chokuti Tenzi haamborasa vanhu vake pamusana pezita rake guru nokuti chido chake zvake Tenzi kuti akuitei vanhu vake pachake. Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama. Chenyu imi, kutya Tenzi, mumunamate nomwoyo wose, makatendeka nokuti munofanira kuyeuka zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.