Asi kana mucitambudzika nokuɗa kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwaʋo, ʋuye musakaŋganiswa. Asi itai Kristu mutȿene mumŋoyo menyu aʋe Ishe; mugare makaɀigadzira kupindura mumŋe nomumŋe unokubvunzai pamsoro petariro iri mukati menyu, asi muciita noʋunyoro nokutya; iʋai nehana yakanaka, kuti paʋanokucerai, iʋo ʋanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, ʋanyadziswe. Nokuti ɀirinani, kana kuri kuɗa kwaMŋari, kuti mutambudzike kana muciita ɀakanaka, pakuti kana muciita ɀakaipa. Nokuti naKristu wakatambudzika ʋo kamŋe cete pamsoro peɀiʋi, iye wakarurama nokuɗa kwaʋasakarurama, kuti atiise kunaMŋari; wakaʋurawa hake panyama, asi wakararamiswa pamŋeya
Verenga chikamu I Petro 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I Petro 3:14-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo