1 Petro 3:14-18
1 Petro 3:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.” Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza, muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo. Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa. Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya
1 Petro 3:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa. Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe anokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya; ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambiro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe. Nokuti zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka, pakuti kana muchiita zvakaipa. Nokuti naKristu akatambudzikawo kamwechete pamusoro pezvivi, iye akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; akaurawa hake panyama, asi akararamiswa mumweya
1 Petro 3:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi kunyange zvazvo mukatambudzikira ururami muchakomborerwa. Musavatye uye musazvidye mwoyo. Asi imi mumwoyo menyu remekedzai Kristu saTenzi. Garai makagadzirira kupindura munhu anokubvunzai nezvechitarisiro chiri mamuri, asi zviitei nemwoyo munyoro norukudzo muchengetedze hana dzenyu dzakachena kuti kana votaura zvakaipa nezvenyu, vanonyomba mugariro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe nokuti zviri nani kutambudzikira kuita zvakanaka kana zviri izvo zvinoda Mwari pano kuita zvakaipa, nokuti Kristu akafira zvitadzo chakamwe, munhu akarurama achifira vasina kururama kuti atiunze kuna Mwari. Mumuviri akauraiwa, mumweya akamutswa.
1 Petro 3:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana mucitambudzika nokuɗa kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwaʋo, ʋuye musakaŋganiswa. Asi itai Kristu mutȿene mumŋoyo menyu aʋe Ishe; mugare makaɀigadzira kupindura mumŋe nomumŋe unokubvunzai pamsoro petariro iri mukati menyu, asi muciita noʋunyoro nokutya; iʋai nehana yakanaka, kuti paʋanokucerai, iʋo ʋanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, ʋanyadziswe. Nokuti ɀirinani, kana kuri kuɗa kwaMŋari, kuti mutambudzike kana muciita ɀakanaka, pakuti kana muciita ɀakaipa. Nokuti naKristu wakatambudzika ʋo kamŋe cete pamsoro peɀiʋi, iye wakarurama nokuɗa kwaʋasakarurama, kuti atiise kunaMŋari; wakaʋurawa hake panyama, asi wakararamiswa pamŋeya
1 Petro 3:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)