Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa. Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe anokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya; ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambiro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe. Nokuti zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka, pakuti kana muchiita zvakaipa. Nokuti naKristu akatambudzikawo kamwechete pamusoro pezvivi, iye akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; akaurawa hake panyama, asi akararamiswa mumweya
Verenga chikamu 1 Petirosi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Petirosi 3:14-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo