Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 19

19
Eria pagomo reHorebi.
1Ɀino Ahabi wakaʋudza Izeberi ɀose ɀakaŋga ɀaitwa naEria, ɀokuʋuraya kwake ʋaprofita ʋose nomunondo. 2Ipapo Izeberi akatuma nhume kunaEria, akati: Ʋamŋari ŋgaʋandiroʋe, ŋgaʋarambe ʋaciɗaro, kana ini ndikasafananidza ʋupenyu bgako noʋupenyu bgomumŋe waʋo maŋgwana neŋguʋa ino. 3Ɀino wakati aciʋona iɀoɀo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuʋurawa, akaȿika paBeeri‐sheba raiʋa raJuda, akasiya muranda wake ipapo. 4Asi iye wakafamba rwendo rwezuʋa rimŋe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati: Ɀariŋgana haɀo; ɀino Jehova, citorai henyu ʋupenyu bgaŋgu, nokuti handipfuʋuri madziɓaɓa aŋgu pakururama. 5Akaʋata pasi, akaʋata hope pasi pomurara. Ɀino mutumŋa akamugunɀa, akati kwaari: Simuka, udye. 6Akatarira, akaʋona pedyo nomusoro wake ciŋgwa ciɗuku cakaŋga cagocwa pamazimbe, neciroŋgo cemvura. Akadya, akanwa, akaʋata pasi ɀe. 7Mutumŋa waJehova akaȿika ɀe rwecipiri, akamugunɀa, akati: Simuka, udye, nokuti ucakundwa norwendo. 8Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa neɀokudya iɀo, mazuʋa makumi manna noʋusiku bgunamakumi manna kuȿikira paHorebi, pagomo raMŋari. 9Akapinda’po muɓako, akagara’po. Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, iye akati kwaari: Unoɓateiko pano Eria? 10Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, nokuʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya. 11Iye akati: Enda, undomira pagomo pamberi paJehova. Ɀino Jehova akapfuʋura’po, mhepo huru inesimba ikapamura makomo, ikaputsanya mabge pamberi paJehova; asi Jehova wakaŋga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuʋura, kuɗeŋgenyeka kwenyika kukaʋa’po; asi Jehova wakaŋga asiri mukuɗeŋgenyeka kwenyika. 12Kuɗeŋgenyeka kwenyika kwakati kwapfuʋura, mŋoto ukateʋera; asi Jehova wakaŋga asiri mumŋoto; mŋoto wakati wapfuʋura, kufefetera kwokudzikama kukaʋa’po. 13Ɀino Eria wakati aciɀinzwa, akafukidza ciso cake neŋguʋo yake, akaɓuɗa, akandomira pamuromo weɓako. Ipapo inzwi rikaȿika kwaari, rikati: Unoɓateiko pano, Eria? 14Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya. 15Ɀino Jehova akati kwaari: Dzoka nenzira yako yokurenje reDamasko; kana waȿika’po, uzodze Hazaeri, aʋe mambo weSiria, 16naJehu mŋanakomana waNimshi umuzodze aʋe mambo waIsraeri, naErisha mŋanakomana waShafati weAberi‐mehora, umuzodze aʋe muprofita panɀimbo yako. 17Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, ucaʋurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, ucaʋurawa naErisha. 18Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicasiya pakati paIsraeri ɀuru ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋasina‐kufugamira Baari namabvi aʋo, ʋasina‐kumuȿeta nemiromo yaʋo. 19Naiɀoɀo akabva’po, akandowana Erisha mŋanakomana waShafati, wakaŋga acirima nenzombe dzakasuŋgwa pamajoko anegumi namaʋiri, iye ari pajoko regumi namaʋiri; Eria akapfuʋura nokwaari, akakanda ŋguʋo yake pamsoro pake. 20Iye akasiya nzombe, akamhanya aciteʋera Eria, akati: Nditenderei henyu ndimbondoȿeta ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu, ndigokuteʋerai. Iye akati kwaari: Cidzoka hako, nokuti ndakuiteiko? 21Akadzoka pakumuteʋera, akatora nzombe dzejoko iro, akadziɓaya, akagoca nyama yadzo aciita nhumbi dzadzo huni, ndokupa ʋanhu, iʋo ʋakadya. Ɀino wakasimuka, akateʋera Eria, akamuɓatira.

Zvasarudzwa nguva ino

I Madzimambo 19: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda