Neŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana, muprofita Eria akasweɗera, akati: Imi Jehova, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ŋgakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mŋari pakati paIsraeri, ʋuye kuti ini ndiri muranda wenyu, ʋuye kuti ndakaita iɀi ɀose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehova, ndinzwei, kuti ʋanhu aʋa ʋaziʋe kuti imi Jehova ndimi Mŋari, ʋuye kuti ndimi makadzosa ɀe mŋoyo yaʋo. Ipapo mŋoto waJehova wakaɓuruka, ukapedza cipiriso cinopiswa, nehuni, namabge, neguruʋa, ukananɀa mvura yakaŋga iri mugoroŋga.
Verenga chikamu I Madzimambo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I Madzimambo 18:36-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo