Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu. Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.” Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero.
Verenga chikamu 1 Madzimambo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 18:36-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo