1 Madzimambo 18:36-38
1 Madzimambo 18:36-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero.
1 Madzimambo 18:36-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.
1 Madzimambo 18:36-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu. Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.” Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero.
1 Madzimambo 18:36-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana, muprofita Eria akasweɗera, akati: Imi Jehova, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ŋgakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mŋari pakati paIsraeri, ʋuye kuti ini ndiri muranda wenyu, ʋuye kuti ndakaita iɀi ɀose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehova, ndinzwei, kuti ʋanhu aʋa ʋaziʋe kuti imi Jehova ndimi Mŋari, ʋuye kuti ndimi makadzosa ɀe mŋoyo yaʋo. Ipapo mŋoto waJehova wakaɓuruka, ukapedza cipiriso cinopiswa, nehuni, namabge, neguruʋa, ukananɀa mvura yakaŋga iri mugoroŋga.
1 Madzimambo 18:36-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)