I Makoronike 24
24
Davidi unokamura ʋaprista.
1Ɀino mapoka aʋanakomana ʋaAroni akaŋga akaɗai: Ʋanakomana ʋaAroni: Nadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari. 2Asi Nadabi naAbihu ʋakafa ʋasinaʋana, ɓaɓa ʋaʋo ʋaciri ʋapenyu; saka Ereazari naItamari ʋakaɓate‐ɓasa roʋuprista. 3Davidi, pamŋe cete naZadoki, mumŋe waʋanakomana ʋaEreazari, naAhimereki, mumŋe waʋanakomana ʋaItamari, ʋakaʋakamura seɀaʋakaŋga ʋagoʋerwa maɓasa aʋo. 4Ʋakawana ʋakuru ʋazhinji pakati paʋanakomana ʋaEreazari kupfuʋura pakati paʋanakomana ʋaItamari; ʋakakamurwa kuɗai: Pakati paʋanakomana ʋaEreazari kwakaŋga kunaʋanegumi naʋatanhatu, ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa; napakati paʋanakomana ʋaItamari, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakaŋga ʋari ʋasere. 5Nokuɗaro ʋakakamurwa nemijenya, mumŋe pano mumŋe koko; nokuti kwakaŋga kunamacinda eimba tȿene, namacinda aMŋari pakati paʋanakomana ʋaEreazari, ʋuye pakati paʋanakomana ʋaItamari. 6Shemaya mŋanakomana waNetaneri, munyori, wakaŋga ari waʋaRevi, akaʋanyora pamberi pamambo, namacinda, nomuprista Zadoki, naAhimereki mŋanakomana waAbiyatari, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaprista naʋaRevi; ʋacitsaura mhuri imŋe kunaEreazari, nemhuri imŋe kunaItamari. 7Ɀino mujenya wokutaŋga wakaɓata Jehoyaribi, wecipiri Jedaya; 8wecitatu Harimi, wecinna Seorimi, 9weshanu Markiya, wetanhatu Miyamini; 10wecinomŋe Hakozi, worusere Abija; 11wepfumbamŋe Jeshua, wegumi Shekania; 12wegumi nomumŋe Eriashibi, wegumi nemiʋiri Jakimi; 13wegumi nemitatu Hupa, wegumi neminna Jeshebeabi; 14wegumi nemishanu Birga, wegumi nemitanhatu Imeri; 15wegumi neminomŋe Heziri, wegumi nemisere Hapizeri; 16wegumi nemipfumbamŋe Petahia, wamakumi maʋiri Jehezekeri; 17wamakumi maʋiri nomumŋe Jakini, wamakumi maʋiri nemiʋiri Gamuri; 18wamakumi maʋiri nemitatu Deraya, wamakumi maʋiri neminna Maazia. 19Ndiko kukamurwa kwaʋo pamaɓasa aʋo, kuti ʋapinde imba yaJehova paʋakaŋga ʋarairwa napo naAroni ɓaɓa ʋaʋo, seɀaakarairwa naJehova Mŋari waIsraeri.
Ʋakuru ʋaʋanakomana ʋaRevi.
20Kana ʋari ʋamŋe ʋanakomana ʋaRevi: Ʋaʋanakomana ʋaAmrami: Shubaeri; ʋaʋanakomana ʋaShubaeri: Jedeiya. 21ƲaRehabia: Ʋaʋanakomana ʋaRehabia: Ishia mukuru. 22ƲaʋaIzhari: Sheromoti; ʋaʋanakomana ʋaSheromoti: Jahati. 23Ʋaʋanakomana ʋaHebroni: Jeria mukuru, naAmaria wecipiri, naJahazieri wecitatu, naJekameami wecinna. 24Ʋanakomana ʋaUzieri: Mika; ʋaʋanakomana ʋaMika: Shamiri. 25Munuŋuna waMika: Ishia; ʋaʋanakomana ʋaIshia Zekaria. 26Ʋanakomana ʋaMerari: Mari naMushi; ʋanakomana ʋaJazia: Beno. 27Ʋanakomana ʋaMerari: ƲaJazia: Beno, naShohami, naZakuri, naIbri. 28ƲaMari: Ereazari, wakaŋga asinaʋanakomana. 29ƲaKishi: Ʋanakomana ʋaKishi: Jerameeri. 30Ʋanakomana ʋaMushi: Mari, naEderi, naJerimoti. Ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaRevi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo. 31Naiʋo ʋakakanda ʋo mijenya sehama dzaʋo, iʋo ʋanakomana ʋaAroni pamberi pamambo Davidi, naZadoki, naAhimereki, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa dzaʋaprista naʋaRevi; dzimba dzamadziɓaɓa dzomukuru dzaiʋereŋgwa sedzomunuŋuna wake.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 24: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018