Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 2

2
Ʋanakomana ʋanegumi naʋaʋiri ʋaIsraeri, naʋana ʋaʋo.
1Ndiʋo ʋanakomana ʋaIsraeri: Rubeni, naSimeoni, naRevi, naJuda, naIsakari naZeburuni, 2naDani, naJosefa naBenjamini, naNaftari, naGadi, naAsheri.
3Ʋanakomana ʋaJuda: Eri, naOnani, naShera; ʋanakomana aʋa ʋatatu wakaʋaɓerekerwa naBati‐shua muKanaani. Asi Eri, mŋana weɗaŋgwe waJuda, wakaŋga ari munhu wakaipa pamberi paJehova, akamuʋuraya. 4Tamari mukadzi womŋana wake, akamuɓerekera Perezi naZera. Ʋanakomana ʋose ʋaJuda ʋakaŋga ʋari ʋashanu. 5Ʋanakomana ʋaPerezi: Hezroni naHamuri. 6Ʋanakomana ʋaZera: Zimri, naEtani, naHemani, naKarkori, naDara; ʋose ʋari ʋashanu. 7Ʋanakomana ʋaKarmi: Akari, mutambudzi waIsraeri, wakatadza pacinhu cakaŋga cakayeriswa. 8Ʋanakomana ʋaEtani: Azaria. 9Ʋanakomana ʋo ʋaHezroni, ʋaakaɓerekerwa: Jerameeri, naRami, naKerubai. 10Rami akaɓereka Aminadabi, Aminadabi akaɓereka Nashoni, mucinda waʋana ʋaJuda; 11Nashoni akaɓereka Sarma, Sarma akaɓereka Boazi; 12Boazi akaɓereka Obedi, Obedi akaɓereka Jese; 13Jese akaɓereka mŋana wake weɗaŋgwe Eriabi, teʋere Abinadabi wecipiri, naShimea wecitatu; 14naNetaneri wecinna, naRadai weshanu; 15naOzemi wetanhatu, naDavidi wecinomŋe. 16Hanɀadzi dzaʋo dzaiʋa Zeruya naAbigairi. Ʋanakomana ʋaZeruya: Abishai, naJoabi, naAsaheri, ʋatatu. 17Abigairi akaɓereka Amasa; ɓaɓa ʋaAmasa ʋaiʋa Jeteri muIshmaeri. 18Karebi mŋanakomana waHezroni akaɓerekerwa ʋana nomukadzi wake Azuba, ʋuye naJerioti; aʋa ndiʋo ʋaiʋa ʋanakomana ʋake: Jesheri, naShobabi, naArdoni. 19Azuba akafa, Karebi akawana Efrati, wakamuɓerekera Huri. 20Huri akaɓereka Uri, Uri akaɓereka Bezareri. 21Shure kwaiɀoɀo Hezroni akapinda kumukunda waMakiri ɓaɓa ʋaGireadi, waakawana aȿika makore anamakumi matanhatu; iye akamuɓerekera Segubi. 22Segubi akaɓereka Jairi, wakaŋga anamaguta anamakumi maʋiri namatatu panyika yeGireadi. 23Geshuri naArami ʋakatorera ʋaJairi maguta aʋo, pamŋe cete naKenati nemisha yaro, maguta anamakumi matanhatu. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaMakiri ɓaɓa ʋaGireadi. 24Ɀino Hezroni wakati afa paKarebi‐efrata, Abija mukadzi waHezroni akamuɓerekera Ashuri ɓaɓa ʋaTekoa. 25Ʋanakomana ʋaJerameeri, mŋanakomana weɗaŋgwe waHezroni, ʋaiʋa, Rami weɗaŋgwe, naBuna, naOreni, naOzemi, naAhija. 26Ɀino Jerameeri wakaŋga anomumŋe mukadzi, wainzi Atara; iye wakaŋga ari mai ʋaOnami. 27Ʋanakomana ʋaRami, weɗaŋgwe waJerameeri, ʋaiʋa Maazi, naJamini, naEkeri. 28Ʋanakomana ʋaOnami ʋaiʋa Shamai, naJada. Ʋanakomana ʋaShamai: Nadabi naAbishuri. 29Zita romukadzi waAbishuri raiʋa Abihairi; iye akamuɓerekera Abani, naMoridi. 30Ʋanakomana ʋaNadabi: Seredi, naApaimi; asi Seredi wakafa asinaʋana. 31Ʋanakomana ʋaApaimi: Ishi. Ʋanakomana ʋaIshi: Sheshani. Ʋanakomana ʋaSheshani: Arai. 32Ʋanakomana ʋaJada, munuŋuna waShamai: Jeteri, naJonatani; Jeteri akafa asinaʋana. 33Ʋanakomana ʋaJonatani: Pereti naZaza. Ndiʋo ʋaiʋa ʋanakomana ʋaJerameeri. 34Ɀino Sheshani wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana. Sheshani wakaŋga anomuranda, muEgipita, wainzi Jara. 35Sheshani akapa Jara muranda wake mukunda wake aʋe mukadzi wake; iye akamuɓerekera Atai. 36Atai akaɓereka Natani, Natani akaɓereka Zabadi; 37Zabadi akaɓereka Efrari, Efrari akaɓereka Obedi; 38Obedi akaɓereka Jehu, Jehu akaɓereka Azaria; 39Azaria akaɓereka Herezi, Herezi akaɓereka Ereasa; 40Ereasa akaɓereka Sismai, Sismai akaɓereka Sharumi; 41Sharumi akaɓereka Jekamia, Jekamia akaɓereka Erishama. 42Ʋanakomana ʋaKarebi munuŋuna waJerameeri, ʋaiʋa Mesha weɗaŋgwe wake, wakaŋga ari ɓaɓa ʋaZifi; naʋanakomana ʋaMaresha ɓaɓa ʋaHebroni. 43Ʋanakomana ʋaHebroni: Kora, naTapua, naRekemi, naShema. 44Shema akaɓereka Rahami, ɓaɓa ʋaJorkeami; Rekemi akaɓereka Shamai. 45Mŋanakomana waShamai wakaŋga ari Maoni; Maoni wakaŋga ari ɓaɓa ʋaBeti‐zuri. 46Efa muroŋgo waKarebi, akaɓereka Harani, naMoza, naGazezi; Harani akaɓereka Gazezi. 47Ʋanakomana ʋaJadai: Regemi, naJotami, naGeshani, naPereti, naEfa, naShaafi. 48Maaka, muroŋgo waKarebi, akaɓereka Sheberi naTirhana. 49Iye akaɓereka ʋo Shaafi ɓaɓa ʋaMadmana, Sheva ɓaɓa ʋaMakbena, naɓaɓa ʋaGibea; mukunda waKarebi wakaŋga ari Aksa. 50Ndiʋo ʋanakomana ʋaKarebi: Mŋanakomana waHuri, weɗaŋgwe waEfrata: Shobari ɓaɓa ʋaKiriati‐jearimi; 51Sarma ɓaɓa ʋaBeti‐rehemi, Harefi ɓaɓa ʋaBeti‐gaderi. 52Shobari ɓaɓa ʋaKiriati‐jearimi wakaŋga anaʋanakomana: Haroe, nehafu yorudzi rwaʋaMenuhoti. 53Marudzi aKiriati‐jearimi: ƲaItri, naʋaPuti, naʋaShumati, naʋaMishrai; kwaʋari ndiko kwakabva ʋaZorati naʋaEshtaori. 54Ʋanakomana ʋaSarma: Beti‐rehemi, naʋaNetofati, Atroti‐beti‐Joabi, nehafu yorudzi rwaʋaManahati, naʋaZori. 55Ʋuye marudzi aʋanyori, aigara paJabezi: ƲaTirati, ʋaShimeati, naʋaSukati. Ndiʋo ʋaKeni ʋakabva kunaHamati ɓaɓa ʋeimba yaRekabi.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda