1
Numeri 13:30
Shona Bible 1949, revised 2002
Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMosesi akati, “Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Numeri 13:33
Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo.”
3
Numeri 13:31
Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, “Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba.”
4
Numeri 13:32
Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoisora, vachiti, “Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
5
Numeri 13:27
Vakamuudza, vakati, “Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.
6
Numeri 13:28
Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.
7
Numeri 13:29
VaAmareki vagere munyika necheZasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJorodhani.”
8
Numeri 13:26
Vakasvika kuna Mosesi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo