Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha, varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri izwi rangu, zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona