Numeri 14
14
VaIsiraeri vanofanira kugara makore makumi mana murenje
1Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo. 2Vana vaIsiraeri vose vakapopotera Mosesi naAroni, ungano yose ikati kwavari, “Haiwa, dai takafira hedu munyika yeIjipiti! Dai takafira hedu murenje rino! 3Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Ijipiti here?” 4Vakataurirana, vakati, “Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Ijipiti.” 5Ipapo Mosesi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri. 6NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandosore nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguo dzavo, 7vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, “Nyika yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika yakanaka kwazvo‐kwazvo. 8Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. 9Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.” 10Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose.
11Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo? 12Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.” 13Mosesi akati kuna Jehovha, “VaIjipiti vachazvinzwa, nokuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu; 14vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto. 15Zvino kana mukauraya vanhu ava vose‐vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti, 16‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.’ 17Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti, 18Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokanganwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina. 19Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.” 20Ipapo Jehovha akati, “Ndakanganwira sezvawakumbira. 21Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha, 22varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri izwi rangu, 23zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona, 24asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomwoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake. 25Zvino vaAmareki navaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.”
26Zvino Jehovha wakataura naMosesi naAroni, akati, 27“Ungano iyi yakaipa icharamba ichindinyunyutira kusvikira riniko? Ndakanzwa kunyunyuta kwavana vaIsiraeri, kwavanondinyunyutira nako. 28Uti kwavari, zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, noupenyu hwangu, sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.’ 29Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; imi mose makaverengwa, nokuwanda kwenyu kwose, vose vana makore makumi maviri navanopfuura, vakandinyunyutira, 30zvirokwazvo, imi hamungapindi munyika yandakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni. 31Asi vana venyu vamakati vachatapwa, ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imi. 32Asi kana murimi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje, rino. 33Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, vachirohwa nokuda kwokupata kwenyu, kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje. 34Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai. 35Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.” 36Zvino varume vakanga vatumwa naMosesi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo, 37varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJehovha. 38Asi Joshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakasara vari vapenyu pavarume vaya vakandoshora nyika. 39Zvino Mosesi wakaudza vana vaIsiraeri mashoko iwaya ose; vanhu vakachema kwazvo; 40vakafumira mangwanani, vakakwira kumusoro wegomo, vakati, “Tarirai, tiri pano hedu, tichandokwira kwatakarairwa naJehovha, nokuti tatadza.” 41Mosesi akati, “Munodarikireiko murayiro waJehovha, nokuti muchaona nhamo. 42Musakwira, nokuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu. 43Nokuti vaAmareki navaKenani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.” 44Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mosesiwo. 45Ipapo vaAmareki navaKenani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 14: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002